Mapisarema 30:1-5
Mapisarema 30:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndichakukudzai imi Jehovha, nokuti makandisimudza kubva pakadzika, uye hamuna kutendera vavengi vangu kuti vafare pamusoro pangu. Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndakachemera rubatsiro kwamuri uye mukandiporesa. Haiwa Jehovha, makandibudisa muguva; mukandirwira kuti ndirege kupinda mugomba. Imbirai Jehovha, imi vatsvene vake; rumbidzai zita rake dzvene. Nokuti kutsamwa kwake ndokwenguva duku, asi nyasha dzake ndedzoupenyu hwose; kuchema kungangovapo usiku. Asi mufaro unouya mangwanani.
Mapisarema 30:1-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndichakukudzai zvikuru, Jehovha; nokuti makandisimudza, Hamuna kutendera vavengi vangu kufara nokuda kwangu. Jehovha, Mwari wangu, Ndakachema kwamuri, imi mukandiponesa. Jehovha, makabudisa mweya wangu paSheori; Makachengeta upenyu hwangu, kuti ndirege kuburukira kugomba. Imbirai Jehovha nziyo dzokurumbidza, imi vatsvene vake, Muvonge kana muchirangarira zita rake dzvene. Nokuti kutsamwa kwake kuripo chinguva chiduku; Asi ngoni dzake ndedzoupenyu hwose. Kuchema kungavapo madekwana, Asi mufaro unosvika mangwanani.
Mapisarema 30:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinokurumbidzai TENZI nokuti makandinyurura uye nokuti hamuna kurega vavengi vangu vachindidadira. TENZI, Mwari wangu ndakachema kwamuri kuti mundibatsire imi mukandirapa. Imi TENZI makaburitsa mweya wangu munzvimbo yavakafa, makandidzorera upenyu pakati pavakanga vaenda mugomba. Imbai muchirumbidza TENZI imi vakarurama vake. Tendai zita rake rinoera. Nokuti hasha dzake ndedzekanguvana; asi mwoyochena wake ndehweupenyu hwose. Kuchema kunombouya usiku; asi rufaro runouya namangwanani.
Mapisarema 30:1-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndicakukudzai ɀikuru, Jehova; nokuti makandisimudza, Hamuna‐kutendera ʋaʋeŋgi ʋaŋgu kufara nokuɗa kwaŋgu. Jehova, Mŋari waŋgu, Ndakacema kwamuri, imi mukandiporesa. Jehova, makaɓuɗisa mŋeya waŋgu paSheori; Makaceŋgeta ʋupenyu bgaŋgu, kuti ndirege kuɓurukira kugomba. Imbirai Jehova nziyo dzokurumbidza, imi ʋatȿene ʋake, Muʋoŋge kana muciraŋgarira zita rake dɀene. Nokuti kutsamŋa kwake kuri’po ciŋguʋa ciɗuku; Asi ŋgoni dzake ndedzoʋupenyu bgose. Kucema kuŋgaʋa’po maɗekwana, Asi mufaro unoȿika maŋgwanani.
Mapisarema 30:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)