Mapisarema 19:7-12
Mapisarema 19:7-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Mutemo waTENZI mutemo uzere, unomutsiridza munhu. Kupupurira kwaTENZI ndokwechokwadi, kunopa ungwaru kuna vasina njere. Zvirongwa zvaTENZI zvakarurama, zvinofadza mwoyo. Murau waTENZI mutsvene tsvene unovhenekera maziso. Kutya Mwari chinhu chakachena, chinogara nokusingaperi mitemo yaTENZI iri pachokwadi uye yakarurama kwazvo. Inofanira kudiwa kukunda ndarama, kutopinda ndarama yakanakisisa, inotapirawo kupinda uchi kupinda musvisvi wezinga rouchi. Uyewo unoyambira muranda wenyu kuichengeta kunowanisa mubayiro mukuru. Asi ndiani angaone zvikanganiso zvake; ndicheneseiwo kunezvikanganiso zvakavanda.
Mapisarema 19:7-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Murayiro waJehovha wakakwana, unomutsiridza mweya. Zvirevo zvaJehovha zvakavimbika, zvinopa njere kuna vasina mano. Zvirevo zvaJehovha zvakarurama, zvinopa mufaro kumwoyo. Murayiro waJehovha unopenya, unopa chiedza kumaziso. Kutya Jehovha kwakanaka, kunogara nokusingaperi. Zvakatongwa naJehovha ndezvechokwadi uye zvose zvakarurama. Zvinokosha kupfuura goridhe, kupfuura goridhe rakanatswa; zvinotapira kupfuura uchi, kupinda uchi hwabva muzinga. Muranda wenyu anoyambirwa nazvo; pakuzvichengeta pano mubayiro mukuru. Ndianiko angaziva kukanganisa kwake? Ndikanganwirei mhosva dzangu dzakavanzika.
Mapisarema 19:7-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Murayiro waJehovha wakakwana, unoponesa mweya; Chipupuriro chaJehovha ndechazvokwadi, chinopa vasina mano njere. Zvinorairwa naJehovha zvakarurama, zvinofadza mwoyo; Murau waJehovha wakaisvonaka, unovhenekera meso. Kutya Jehovha kwakanaka, kunogara nokusingaperi; Zvakatongwa naJehovha ndezvazvokwadi, zvakarurama kwazvo. Zvinofanira kutsvakwa kukunda ndarama, zvirokwazvo kukunda ndarama zhinji yakaisvonaka; Zvinotapirawo kupfuura huchi nomusvi wamazinga ohuchi. Uyezve, muranda wenyu unonyeverwa nazvo; Pakuzvichengeta panomubayiro mukuru. Kana kuri kutsauka, ndiani angakuziva? Ndianiko angaziva zvitadzo? Ndinatsei imi pazvitadzo zvakavanzika.
Mapisarema 19:7-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mutemo waTENZI mutemo uzere, unomutsiridza munhu. Kupupurira kwaTENZI ndokwechokwadi, kunopa ungwaru kuna vasina njere. Zvirongwa zvaTENZI zvakarurama, zvinofadza mwoyo. Murau waTENZI mutsvene tsvene unovhenekera maziso. Kutya Mwari chinhu chakachena, chinogara nokusingaperi mitemo yaTENZI iri pachokwadi uye yakarurama kwazvo. Inofanira kudiwa kukunda ndarama, kutopinda ndarama yakanakisisa, inotapirawo kupinda uchi kupinda musvisvi wezinga rouchi. Uyewo unoyambira muranda wenyu kuichengeta kunowanisa mubayiro mukuru. Asi ndiani angaone zvikanganiso zvake; ndicheneseiwo kunezvikanganiso zvakavanda.
Mapisarema 19:7-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Murairo waJehova wakakwana, unoponesa mŋeya; Cipupuriro caJehova ndecaɀokwaɗi, cinopa ʋasinamano njere. Ɀinorairwa naJehova ɀakarurama, ɀinofadza mŋoyo; Murau waJehova wakaiȿo‐naka, unovenekera meso. Kutya Jehova kwakanaka, kunogara nokusiŋgaperi; Ɀakatoŋgwa naJehova ndeɀaɀokwaɗi, ɀakarurama kwaɀo. Ɀinofanira kutȿakwa kukunda ndarama, ɀirokwaɀo kukunda ndarama zhinji yakaiȿo‐naka; Ɀinotapira ʋo kupfuʋura ʋuci nomuȿi wamaziŋga oʋuci. Ʋuye ɀe, muranda wenyu unonyeʋerwa naɀo; Pakuɀiceŋgeta panomuɓairo mukuru. Kana kuri kutsauka, ndiani uŋgakuziʋa? Ndianiko uŋgaziʋa ɀitadzo? Ndinatsei imi paɀitadzo ɀakaʋanzika.