Mapisarema 19:1-10
Mapisarema 19:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Matenga anotaura kubwinya kwaMwari; matenga anoparidza mabasa amaoko ake. Zuva nezuva anotaura; usiku nousiku anoratidza zivo. Hakuna mutauro kana rurimi rusinganzwi inzwi ravo. Inzwi razvo rinosvika panyika yose, mashoko azvo kumagumo apasi. Mumatenga imomo, akadzika tende rezuva, rakaita sechikomba chinobuda mumba, seshasha inopemberera kumhanya nhangemutange. Rinobuda kuno rumwe rutivi rwedenga richitenderera kusvikira kuno rumwe rutivi; hakuna chinhu chakavanzika kubva pakupisa kwaro. Murayiro waJehovha wakakwana, unomutsiridza mweya. Zvirevo zvaJehovha zvakavimbika, zvinopa njere kuna vasina mano. Zvirevo zvaJehovha zvakarurama, zvinopa mufaro kumwoyo. Murayiro waJehovha unopenya, unopa chiedza kumaziso. Kutya Jehovha kwakanaka, kunogara nokusingaperi. Zvakatongwa naJehovha ndezvechokwadi uye zvose zvakarurama. Zvinokosha kupfuura goridhe, kupfuura goridhe rakanatswa; zvinotapira kupfuura uchi, kupinda uchi hwabva muzinga.
Mapisarema 19:1-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kudenga-denga kunoparidzira kubwinya kwaMwari; Uye denga rinoratidza basa ramaoko ake. Musi mumwe unotaurira mumwe musi, Uye usiku humwe hunopupurira humwe usiku njere. Hapana kutaura, kana mashoko; Izwi razvo harinzwiki. Rwonzi rwokuyera rwazvo rwakasvika kunyika yose, Namashoko azvo kumugumo wenyika. Akagadzirira zuva tende mukati mazvo. Iro rakafanana nechikomba chinobuda mumba macho, Rinofara semhare kumhanya nenzira yaro. Kubuda kwaro kunobva pamugumo wedenga, Kupota kwaro kunosvika pakuguma kwarozve; Hakune chinhu chakavanzirwa kupisa kwaro. Murayiro waJehovha wakakwana, unoponesa mweya; Chipupuriro chaJehovha ndechazvokwadi, chinopa vasina mano njere. Zvinorairwa naJehovha zvakarurama, zvinofadza mwoyo; Murau waJehovha wakaisvonaka, unovhenekera meso. Kutya Jehovha kwakanaka, kunogara nokusingaperi; Zvakatongwa naJehovha ndezvazvokwadi, zvakarurama kwazvo. Zvinofanira kutsvakwa kukunda ndarama, zvirokwazvo kukunda ndarama zhinji yakaisvonaka; Zvinotapirawo kupfuura huchi nomusvi wamazinga ohuchi.
Mapisarema 19:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Matenga anoparidza mbiri yaMwari, ziendanakuenda rinodura pachena mabasa aMwari. Zuva roga roga rinotaura kusvika kune rimwe, nousiku humwe hunotsvitsa kunohumwe ruzivo irworwu. Hapana kutaura kana mashoko kana izwi rawo rinonzwika. Asi izwi rawo rinosvika pasi pose, mazwi avo anosvika kwakaperera nyika, akaitira zuva musha maari rinobuda somukuwasha mumba make somurume ane simba, rinomhanya nzira yaro norufaro. Rinobuda kwakaperera denga richifamba kundosvika kumwe kwarinogumira. Hakuna chingavande kupisa kwaro. Mutemo waTENZI mutemo uzere, unomutsiridza munhu. Kupupurira kwaTENZI ndokwechokwadi, kunopa ungwaru kuna vasina njere. Zvirongwa zvaTENZI zvakarurama, zvinofadza mwoyo. Murau waTENZI mutsvene tsvene unovhenekera maziso. Kutya Mwari chinhu chakachena, chinogara nokusingaperi mitemo yaTENZI iri pachokwadi uye yakarurama kwazvo. Inofanira kudiwa kukunda ndarama, kutopinda ndarama yakanakisisa, inotapirawo kupinda uchi kupinda musvisvi wezinga rouchi.
Mapisarema 19:1-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kuɗeŋga‐ɗeŋga kunoparidzira kubginya kwaMŋari; Ʋuye ɗeŋga rinoratidza ɓasa ramaʋoko ake. Musi mumŋe unotaurira mumŋe musi, Ʋuye ʋusiku ʋumŋe ʋunopupurira ʋumŋe ʋusiku njere. Hapana‐kutaura, kana mashoko; Inzwi raɀo harinzwiki. Rwonzi rwokuyera rwaɀo rwakaȿika kunyika yose, Namashoko aɀo kumugumo wenyika. Wakagadzirira zuʋa tente mukati maɀo. Iro rakafanana necikomba cinoɓuɗa mumba maco, Rinofara semhare kumhanya nenzira yaro. Kuɓuɗa kwaro kunobva pamugumo weɗeŋga, Kupota kwaro kunoȿika pakuguma kwaro ɀe; Hakune‐cinhu cakaʋanzirwa kupisa kwaro. Murairo waJehova wakakwana, unoponesa mŋeya; Cipupuriro caJehova ndecaɀokwaɗi, cinopa ʋasinamano njere. Ɀinorairwa naJehova ɀakarurama, ɀinofadza mŋoyo; Murau waJehova wakaiȿo‐naka, unovenekera meso. Kutya Jehova kwakanaka, kunogara nokusiŋgaperi; Ɀakatoŋgwa naJehova ndeɀaɀokwaɗi, ɀakarurama kwaɀo. Ɀinofanira kutȿakwa kukunda ndarama, ɀirokwaɀo kukunda ndarama zhinji yakaiȿo‐naka; Ɀinotapira ʋo kupfuʋura ʋuci nomuȿi wamaziŋga oʋuci.
Mapisarema 19:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)