Mapisarema 149:1-9
Mapisarema 149:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rumbidzai Jehovha. Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, rumbidzo yake paungano yavatsvene. Israeri ngavafarire Muiti wavo; vanhu veZioni ngavafarire Mambo wavo. Ngavarumbidze zita rake vachitamba, uye vamuridzire nziyo namatambureni nembira. Nokuti Jehovha anofarira vanhu vake; vanozvininipisa anovashongedza korona noruponeso. Vatsvene ngavafare nokukudzwa kwake, uye vaimbe nomufaro vari pamibhedha yavo. Kurumbidzwa kwaMwari ngakuve pamiromo yavo, nomunondo unocheka kwose, mumaoko avo, kuti vatsive pamusoro pendudzi, uye varange marudzi avanhu, vasunge madzimambo avo nengetani, namakurukota avo nezvisungo zvamatare, kuti vaite zvavakatongwa nazvo, zvakanyorwa pamusoro pavo. Ndiko kukudzwa kwavatsvene vose.
Mapisarema 149:1-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Hareruya! Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, Nokurumbidzwa kwake paungano yavatsvene. Isiraeri ngaafarire kwazvo musiki wake; Vana veZioni ngavave nomufaro naMambo wavo. Ngavarumbidze zita rake vachimutambira; Ngavamuimbire nziyo dzokurumbidza nengoma nembira. Nokuti Jehovha anofarira vanhu vake; Achashongedza vanyoro noruponeso; Vatsvene ngavafare kwazvo nokukudziwa; Ngavaimbe nomufaro panhoo dzavo. Kurumbidza kukuru kwaMwari ngakuve pahuro dzavo, Nomunondo unocheka kwose paruoko rwavo; Kuti vatsive vahedheni; Varange ndudzi dzavanhu; Kuti vasunge madzimambo avo neketani, Navakuru vavo nezvisungo zvamatare. Kuti vavaitire zvavakatongerwa zvakanyorwa; Vatsvene vake vose vachakudzwa naizvozvi. Hareruya!
Mapisarema 149:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Areruya. Imbirai TENZI rumbo rutsva murumbidzei mugungano ravakarurama. Isiraeri ngaifare noMusiki wayo; vana veZioni ngavafare naMambo wavo. Ngavarumbidze zita rake vachitamba, vachiridza tambureni nezvipendani nokuti TENZI anofadzwa navanhu vake anokudza varombo nokuita kuti vakunde. Vakarurama ngavapembere kukurira. Ngavaimbe norufaro vari mumasofa avo. Ngavapururudze namagure pahuro vaine mapakatwa omucheka kose mumaoko. Kutsividza vechirudzi uye kuranga marudzi vachisunga madzimambo avo nengetani namachinda avo namakechemu esimbi kuti vavape chirango chakanyorwa. Iyi ndiyo mbiri yavakarurama vake vose. Areruya.
Mapisarema 149:1-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Hareruya! Imbirai Jehova rwiyo rutȿa, Nokurumbidzwa kwake paʋuŋgano yaʋatȿene. Israeri ŋgaafarire kwaɀo musiki wake; Ʋana ʋeZioni ŋgaʋaʋe nomufaro naMambo waʋo. Ŋgaʋarumbidze zita rake ʋacimutambira; Ŋgaʋamuimbire nziyo dzokurumbidza neŋgoma nembira. Nokuti Jehova unofarira ʋanhu ʋake; Ucashoŋgedza ʋanyoro noruponeso; Ʋatȿene ŋgaʋafare kwaɀo nokukudziwa; Ŋgaʋaimbe nomufaro panhoʋo dzaʋo. Kurumbidza kukuru kwaMŋari ŋgakuʋe pahuro dzaʋo, Nomunondo unoceka kwose paruʋoko rwaʋo; Kuti ʋatsiʋe ʋahedeni; Ʋaraŋge ndudzi dzaʋanhu; Kuti ʋasuŋge madzimambo aʋo neketani, Naʋakuru ʋaʋo neɀisuŋgo ɀamatare. Kuti ʋaʋaitire ɀaʋakatoŋgerwa ɀakanyorwa; Ʋatȿene ʋake ʋose ʋacakudzwa naiɀoɀi. Hareruya!
Mapisarema 149:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)