Mapisarema 148:1-5
Mapisarema 148:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rumbidzai Jehovha. Rumbidzai Jehovha kubva kumatenga, murumbidzei panzvimbo dzokumusoro-soro. Murumbidzei, imi vatumwa vake vose, murumbidzei, imi hondo dzake dzose dzokudenga. Murumbidzei, imi zuva nomwedzi, murumbidzei, imi nyeredzi dzose dzinopenya. Murumbidzei, imi matenga ari kumusoro-soro, nemi mvura zhinji iri pamusoro pamatenga. Ngazvirumbidze zita raJehovha, nokuti akarayira, izvo zvikasikwa.
Mapisarema 148:1-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Hareruya! Rumbidzai Jehovha, imi muri kudenga; Murumbidzei panzvimbo dzokumusoro. Murumbidzei imi vatumwa vake vose; Murumbidzei imi hondo dzake dzose. Murumbidzei imi zuva nomwedzi; Murumbidzei imi nyeredzi dzose dzinovhenekera. Murumbidzei imi kudenga kwokudenga-denga, Newe mvura zhinji, iri kumusoro kwokudenga-denga. Ngazvirumbidze zita raJehovha; Nokuti iye akaraira, zvikasikwa.
Mapisarema 148:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Areruya. Rumbidzai TENZI kumatenga; murumbidzei kumusorosoro. Murumbidzei imi vatumwa vake vose; murumbidzei imi hondo dzake dzose. Murumbidzei imi zuva nemwedzi; murumbidzei imi nyenyedzi dzinopenya. Murumbidzei imi matenga okumusorosoro nemi mvura dzokumusoro kwamatenga. Ngazvirumbidze zita raTENZI nokuti akataura, izvo zvikabva zvasikwa.
Mapisarema 148:1-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Hareruya! Rumbidzai Jehova, imi muri kuɗeŋga; Murumbidzei panɀimbo dzokumsoro. Murumbidzei imi ʋatumŋa ʋake ʋose; Murumbidzei imi hondo dzake dzose. Murumbidzei imi zuʋa nomŋedzi; Murumbidzei imi nyeredzi dzose dzinovenekera. Murumbidzei imi kuɗeŋga kwokuɗeŋga‐ɗeŋga, Newe mvura zhinji, iri kumsoro kwokuɗeŋga‐ɗeŋga. Ŋgaɀirumbidze zita raJehova; Nokuti iye wakaraira, ɀikasikwa.
Mapisarema 148:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)