Mapisarema 147:12-14
Mapisarema 147:12-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kudza Jehovha, iwe Jerusarema; rumbidza Mwari wako, iwe Zioni, nokuti anosimbisa mazariro amasuo ako, uye anoropafadza vanhu vako vari mauri. Anopa rugare pamiganhu yako, uye anokugutsa nezviyo zvakaisvonaka.
Mapisarema 147:12-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Rumbidza Jehovha, iwe Jerusaremu; Rumbidza Mwari wako, iwe Zioni. Nokuti wakasimbisa mazarira amasuo ako; Akaropafadza vana vako mukati mako. Anoisa rugare panyika yako; Anokugutisa nezviyo zvakaisvonaka.
Mapisarema 147:12-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Rumbidza TENZI, Jerusaremu; rumbidza Mwari wako iwe Zioni nokuti anosimbisa zvihuri zvemisuwo yako mikuru anokomborera vana vari mauri. Anopa nyika yako rugare, anokugutsa nembeswa dzakanakisisa.
Mapisarema 147:12-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Rumbidza Jehova, iwe Jerusarema; Rumbidza Mŋari wako, iwe Zioni. Nokuti wakasimbisa mazarira amasuʋo ako; Wakaropafadza ʋana ʋako mukati mako. Unoisa rugare panyika yako; Unokugutisa neɀiyo ɀakaiȿo‐naka.