Mapisarema 139:5-10
Mapisarema 139:5-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Makandikomberedza shure kwangu nemberi, Nokuisa ruoko rwenyu pamusoro pangu. Kuziva kwakadai kunondishamisa kwazvo; Zviri kumusoro, handigoni kusvikira kwazviri. Ndingaendepiko ndibve pamweya wenyu? Kana ndingatizirepiko ndibve pamberi penyu? Kana ndingakwira kudenga muripo; Kana ndikazviwarira nhoo paSheori, tarirai muripowo. Kana ndikabhururuka namapapiro amangwanani, Ndikandogara pamigumo yegungwa; Naipapowo ruoko rwenyu ruchandifambisa, Ruoko rwenyu rworudyi ruchandifambisa
Mapisarema 139:5-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Munondikomberedza shure nemberi; makaisa ruoko rwenyu pamusoro pangu. Kuziva kwakadai kunondishamisa, kwakanyanya kukwirira zvokuti handingasvikiri. Ndingaendepiko kuti ndibve paMweya wenyu? Ndingatizirepiko kuti ndibve pamberi penyu? Kana ndikakwira kumatenga, imi muriko; kana ndikawarira mubhedha wangu kwakadzika, imi muriko. Kana ndikasimuka namapapiro amambakwedza, kana ndikandogara kumagumo egungwa, kunyange ipapo ruoko rwenyu runondisesedza, ruoko rwenyu rworudyi runondimbundikira.
Mapisarema 139:5-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Munondikomberedza mberi neshure muchitoisa ruoko rwenyu pandiri. Ruzivo rwakadaro runondishamisa zvakanyanyisisa, rwuri pamusoro handimbokwanisa kuruwana. Kwandingaende ndokupiko, kusina Mweya wenyu uye ndingatizire kupiko kwamusiri nokuti ndikati ndiende kudenga imi muriko? Ndikati ndiwarire uvato hwangu kunzvimbo yavakafa imi muriko, ndikati regai ndipepereke nemhepo yorungwanani ndichindogara kwakaperera gungwa, kunyange ikoko ruoko rwenyu ndirwo ruchanditungamirira makandibata noruoko rwenyu rworudyi.
Mapisarema 139:5-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Makandikomberedza shure kwaŋgu nemberi, Nokuisa ruʋoko rwenyu pamsoro paŋgu. Kuziʋa kwakaɗai kunondishamisa kwaɀo; Ɀiri kumsoro, handigoni kuȿikira kwaɀiri. Ndiŋgaendepiko ndibve pamŋeya wenyu? Kana ndiŋgatizirepiko ndibve pamberi penyu? Kana ndikakwira kuɗeŋga muri’po; Kana ndikaɀiwarira nhoʋo paSheori, tarirai muri’po ʋo. Kana ndikabururuka namapapiro amaŋgwanani, Ndikandogara pamigumo yeguŋgwa; Naipapo ʋo ruʋoko rwenyu rucandifambisa, Ruʋoko rwenyu rworudyi rucandifambisa
Mapisarema 139:5-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)