Mapisarema 139:1-8
Mapisarema 139:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Haiwa Jehovha, makandinzvera uye munondiziva. Munoziva nguva yandinogara neyandinosimuka; munonzwisisa pfungwa dzangu muri kure. Munonzvera kubuda kwangu nokuvata kwangu pasi; munoziva nzira dzangu dzose. Shoko risati rava parurimi rwangu, tarirai, imi Jehovha, munoriziva rose. Munondikomberedza shure nemberi; makaisa ruoko rwenyu pamusoro pangu. Kuziva kwakadai kunondishamisa, kwakanyanya kukwirira zvokuti handingasvikiri. Ndingaendepiko kuti ndibve paMweya wenyu? Ndingatizirepiko kuti ndibve pamberi penyu? Kana ndikakwira kumatenga, imi muriko; kana ndikawarira mubhedha wangu kwakadzika, imi muriko.
Mapisarema 139:1-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha, imi makandinzvera, nokundiziva. Munoziva kugara kwangu pasi nokusimuka kwangu, Munonzwisisa kufunga kwangu muri kure. Munocherekedza kufamba kwangu nokuvata kwangu pasi, Munoziva nzira dzangu dzose. Nokuti shoko risati ravapo parurimi rwangu, Tarirai, imi Jehovha, matoriziva rose. Makandikomberedza shure kwangu nemberi, Nokuisa ruoko rwenyu pamusoro pangu. Kuziva kwakadai kunondishamisa kwazvo; Zviri kumusoro, handigoni kusvikira kwazviri. Ndingaendepiko ndibve pamweya wenyu? Kana ndingatizirepiko ndibve pamberi penyu? Kana ndingakwira kudenga muripo; Kana ndikazviwarira nhoo paSheori, tarirai muripowo.
Mapisarema 139:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
TENZI makandiongorora mukandiziva. Munoziva mafambiro namagariro munonzwisisa pfungwa dzangu imi muri kure zvenyu. Imi munocherechedza kufamba kwangu nokurara kwangu uye munoziva nzira dzangu dzose, nokuti izwi risati rambove parurimi rwangu, imi TENZI munenge matonyatsoriziva. Munondikomberedza mberi neshure muchitoisa ruoko rwenyu pandiri. Ruzivo rwakadaro runondishamisa zvakanyanyisisa, rwuri pamusoro handimbokwanisa kuruwana. Kwandingaende ndokupiko, kusina Mweya wenyu uye ndingatizire kupiko kwamusiri nokuti ndikati ndiende kudenga imi muriko? Ndikati ndiwarire uvato hwangu kunzvimbo yavakafa imi muriko
Mapisarema 139:1-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova, imi makandinɀera, nokundiziʋa. Munoziʋa kugara kwaŋgu pasi nokusimuka kwaŋgu, Munonzwisisa kufuŋga kwaŋgu muri kure. Munocerekedza kufamba kwaŋgu nokuʋata kwaŋgu pasi, Munoziʋa nzira dzaŋgu dzose. Nokuti shoko risati raʋa’po parurimi rwaŋgu, Tarirai, imi Jehova, matoriziʋa rose. Makandikomberedza shure kwaŋgu nemberi, Nokuisa ruʋoko rwenyu pamsoro paŋgu. Kuziʋa kwakaɗai kunondishamisa kwaɀo; Ɀiri kumsoro, handigoni kuȿikira kwaɀiri. Ndiŋgaendepiko ndibve pamŋeya wenyu? Kana ndiŋgatizirepiko ndibve pamberi penyu? Kana ndikakwira kuɗeŋga muri’po; Kana ndikaɀiwarira nhoʋo paSheori, tarirai muri’po ʋo.
Mapisarema 139:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)