Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 137:1-5 - Compare All Versions

Mapisarema 137:1-5 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Panzizi dzeBhabhironi takagarapo tikachema, patakarangarira Zioni. Pamikonachando apo ndipo patakaturika mbira dzedu, nokuti ipapo avo vakatitapa vakatikumbira nziyo, vatambudzi vedu vakatigombedzera kuti tiimbe nziyo dzomufaro, vakati, “Tiimbirei rumwe rwiyo rweZioni!” Tingaimba seiko nziyo dzaJehovha tiri munyika yokumwe? Kana ndikakukanganwa, iwe Jerusarema, ruoko rwangu rworudyi ngarukanganwe umhizha hwarwo.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 137 BDSC

Mapisarema 137:1-5 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Panzizi dzeBhabhironi, Ndipo patakagara pasi, zvirokwazvo tikachema, Pakurangarira kwedu Zioni. Pamikonachando mukati madzo Takaturika mbira dzedu. Nokuti ipapo avo vakatitapa vakakumbira kwatiri mashoko orwiyo, Vakatiparadza vakakumbira mufaro, vachiti, “Tiimbireiwo rwiyo rweZioni.” Tingaimba seiko rwiyo rwaJehovha Munyika yavatorwa? Kana ndikakukanganwa, iwe Jerusaremu, Ruoko rwangu rworudyi ngarukanganwe umhizha hwarwo.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 137 SNA2002

Mapisarema 137:1-5 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Pedyo nehova dzeBhabhironi taigarapo tichichema patainge tafunga Zioni. Taipaikira zvipendani zvedu pamisambagwena ikoko. Ipapo vatapi vedu vaitikumbira dzimbo, varwadzisi vedu vaiita musara nesu vachiti, “Tiimbirei rumwe rumbo rweZioni.” Ko taigoimba sei rumbo rwaTENZI munyika yavatorwa. Kana ndikakukanganwa iwe Jerusaremu ruoko rwangu rworudyi ngaruune.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 137 SCLBD

Mapisarema 137:1-5 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Panzizi dzeBabironi, Ndipo patakagara pasi, ɀirokwaɀo tikacema, Pakuraŋgarira kweɗu Zioni. Pamikonacando mukati madzo Takaturika mbira dzeɗu. Nokuti ipapo aʋo ʋakatitapa ʋakakumbira kwatiri mashoko orwiyo, Ʋakatiparadza ʋakakumbira mufaro, ʋaciti: Tiimbirei ʋo rwiyo rweZioni. Tiŋgaimba seiko rwiyo rwaJehova Munyika yaʋatorwa? Kana ndikakukaŋganwa, iwe Jerusarema, Ruʋoko rwaŋgu rworudyi ŋgarukaŋganwe ʋumhizha bgarwo.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 137 SUB1949

Mapisarema 137:1-5 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Pedyo nehova dzeBhabhironi taigarapo tichichema patainge tafunga Zioni. Taipaikira zvipendani zvedu pamisambagwena ikoko. Ipapo vatapi vedu vaitikumbira dzimbo, varwadzisi vedu vaiita musara nesu vachiti, “Tiimbirei rumwe rumbo rweZioni.” Ko taigoimba sei rumbo rwaTENZI munyika yavatorwa. Kana ndikakukanganwa iwe Jerusaremu ruoko rwangu rworudyi ngaruune.

Pakurirana nevamwe
Mapisarema 137 SCLB