Mapisarema 135:5-7
Mapisarema 135:5-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinoziva kuti Jehovha mukuru, uye kuti Ishe wedu mukuru kupfuura vamwari vose. Jehovha anoita zvose zvinomufadza, kudenga napasi, nomumakungwa napakadzika pose. Anoita kuti makore akwire kubva kumagumo enyika; anotumira mheni nemvura, uye anobudisa mhepo kubva mumatura ake.
Mapisarema 135:5-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti ndinoziva kuti Jehovha mukuru, Uye kuti Ishe wedu ari kumusoro kwavamwari vose. Zvose zvaakada kuita Jehovha akazviita, Kudenga napasi, nomumakungwa napakadzika pose. Anokwidza makore pamigumo yapasi; Anoita mheni kuuyisa mvura; Anobudisa mhepo panovigwa pfuma yake.
Mapisarema 135:5-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
nokuti ndinoziva kuti TENZI mukuru uye kuti TENZI wedu mukuru kupinda vamwari vose. Zvose zvinodiwa naTENZI anogona kuzviita kudenga kana panyika mugungwa kana makadzika. Ndiye anosimudza makore kwakaperera nyika, anopenyesa mheni yemvura; anoburitsa mhepo mumatura ake.
Mapisarema 135:5-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti ndinoziʋa kuti Jehova mukuru, Ʋuye kuti Ishe weɗu uri kumsoro kwaʋamŋari ʋose. Ɀose ɀaakaɗa kuita Jehova wakaɀiita, Kuɗeŋga napasi, nomumakuŋgwa napakadzika pose. Unokwidza makore pamigumo yapasi; Unoita mheni kuʋuyisa mvura; Unoɓuɗisa mhepo panoʋigwa fuma yake.
Mapisarema 135:5-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)