Mapisarema 125:1-5
Mapisarema 125:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vanovimba naTENZI vakafanana negomo reZioni risingazunguziki, rinogara nokusingaperi. Sezvakangoita makomo akatenderedza Jerusaremu, ndizvo zvakaita TENZI akatenderedzawo vanhu vake kubvira zvino kusvika nokusingaperi kose. Hapana anoumambo hwakaipa achagara munyika yakasarudzirwa vakarurama, vakarurama vangadaro vakazopinda mukuita zvakaipa. TENZI itai zvakanaka kuna vakanaka uye kuvanhu vari pachokwadi mumwoyo mavo. Asi vanotsaukira kunzira dzavo dzakaipa TENZI achavatinha pamwechete navakaipa Isiraeri ngaive norugare.
Mapisarema 125:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vanovimba naJehovha vakafanana neGomo reZioni, risingazungunuswi asi rinogara nokusingaperi. Sokupoteredzwa kwakaitwa Jerusarema namakomo, saizvozvo Jehovha anopoteredza vanhu vake kubva zvino nokusingaperi. Tsvimbo yavasakarurama haingagari pamusoro penyika yakagoverwa vakarurama, nokuti ipapo vakarurama vangazotambanudzira maoko avo kuita zvakaipa. Haiwa Jehovha, itirai zvakanaka, kuna avo vakanaka, kuna avo vane mwoyo yakarurama. Asi avo vanotsaukira kunzira dzakaminama, Jehovha achavaparadza pamwe chete navaiti vezvakaipa.
Mapisarema 125:1-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vanovimba naJehovha Vakafanana negomo reZioni, risingazununguswi, asi rimire nokusingaperi. Sokupoteredzwa kweJerusaremu namakomo, Saizvozvo Jehovha unopoteredza vanhu vake, Kubva panguva ino kusvikira pakusingaperi. Nokuti tsvimbo youshe yezvakaipa haingagari panhaka yavakarurama; Kuti vakarurama varege kutambanudzira maoko avo kune zvakaipa. Jehovha, itirai vakanaka zvakanaka, Navane mwoyo yakarurama. Asi kana vari vanhu vanotsaukira kunzira dzavo dzakaminama, Jehovha achavaparadza pamwechete navaiti vezvakaipa. Isiraeri ngaave norugare!
Mapisarema 125:1-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋanoʋimba naJehova reƲakafanana negomo Zioni, risiŋgazunuŋguswi, asi rimire nokusiŋgaperi. Sokupoteredzwa kweJerusarema namakomo, Saiɀoɀo Jehova unopoteredza ʋanhu ʋake, Kubva paŋguʋa ino kuȿikira pakusiŋgaperi. Nokuti tȿimbo yoʋushe yeɀakaipa haiŋgagari panhaka yaʋakaruruma; Kuti ʋakarurama ʋarege kutambanudzira maʋoko aʋo kuneɀakaipa. Jehova, itirai ʋakanaka ɀakanaka, Naʋanemŋoyo yakarurama. Asi kana ʋari ʋanhu ʋanotsaukira kunzira dzaʋo dzakaminama, Jehova ucaʋaparadza pamŋe cete naʋaiti ʋeɀakaipa. Israeri ŋgaaʋe norugare!
Mapisarema 125:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)