Mapisarema 12:1-8
Mapisarema 12:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Batsirai, imi Jehovha, nokuti vanoda Mwari hapachina; vakatendeka vapera pakati pavanhu. Mumwe nomumwe anorevera wokwake nhema; miromo yavo inobata kumeso nokutaura zvinonyengera. Jehovha ngaagure miromo yose inobata kumeso, norurimi rumwe norumwe runozvikudza ruchiti, “Tichakunda nendimi dzedu; miromo ndeyedu, tenzi wedu ndiani?” “Nokuda kwokumanikidzwa kwavasina simba nokugomera kwavarombo, ndichasimuka zvino,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichavadzivirira kuna avo vanovaparadza.” Uye mashoko aJehovha haana chaangapomerwa, sesirivha yakacheneswa muchoto chevhu, yakanatswa kanomwe. Imi Jehovha, muchatichengeta murugare uye muchatidzivirira kubva kuvanhu vakadai nokusingaperi. Vakaipa vanofamba-famba vakasununguka kana zvakashata zvichikudzwa pakati pavanhu.
Mapisarema 12:1-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Batsirai, Jehovha; nokuti vanoda Mwari vopera; Nokuti vakatendeka havachipo pakati pavana vavanhu. Vanotaura mumwe nomumwe zvisina maturo nowokwake; Vanotaura nomuromo unobata kumeso, uye nemwoyo miviri. Jehovha achagura miromo yose inobata kumeso, Norurimi runotaura zvinhu zvikuru; Ivo vakati, “Tichakunda norurimi rwedu; Miromo yedu ndeyedu; ndianiko angava ishe wedu?” “Nokuda kwokumanikidzwa kwavarombo, nokugomera kwavanoshaiwa, Ndichamuka zvino nokuda kwaizvozvo,” ndizvo zvinotaura Jehovha; Ndichamuisa pakasimba ipo paanoshuva. Mashoko aJehovha mashoko akachena; Sesirivha yakaidzwa mubisiro panyika, Yakanatswa kanomwe. Muchavachengeta, Jehovha, Muchavachengeta parudzi urwu nokusingaperi. Vakaipa vanofamba pamativi ose, Kana zvakashata zvichikudzwa pakati pavanakomana vavanhu.
Mapisarema 12:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tinunureiwo TENZI nokuti hapachisina mutsvene nokuti vakatendeseka vapera pakati pavanhu. Munhu wose ava kungotaurira nhema kune mumwe wake; vanhu vava kutaurirana zvisinganyatsonzwisisika; vanonakisa mukanwa zvenhando vachishandisa mazwi anoreva zvinhu zvakasiana. Dai TENZI angocheka miromo yavanonakisa mukanwa zvenhando, vanoti, “Nezvinobva pamuromo apa, tinokunda; miromo yedu tinayo; ndiani anotitonga.” TENZI anoti, “Zvino ndichasimuka pamusana pavarombo varikupambwa nokugomera kwavatamburi, ndichavapa zvavanosuwira, zvokugara pasina chinovatambudza.” Mazwi aTENZI, mazwi matsvene, akaita sesirivha yakacheneswa muvirira romoto ikagocheneswa kakapetwa kanomwe. Imi TENZI tichengetedzeiwo, tidzivirireiwo nokusingaperi kuchizvarwa ichi. Vakaipa vari kufamba kose kose uipi zvauri kurumbidzwa kudai pakati pavanhu.
Mapisarema 12:1-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ƃatsirai, Jehova; nokuti ʋanoɗa Mŋari ʋopera; Nokuti ʋakatendeka haʋaci’po pakati paʋana ʋaʋanhu. Ʋanotaura mumŋe nomumŋe ɀisinamaturo nowokwake; Ʋanotaura nomuromo unoɓata kumeso, ʋuye nemŋoyo miʋiri. Jehova ucagura miromo yose inoɓata kumeso, Norurimi runotaura ɀinhu ɀikuru; Iʋo ʋakati: Ticakunda norurimi rweɗu; Miromo yeɗu ndeyeɗu pamakanda; ndianiko uŋgaʋa ishe weɗu? Nokuɗa kwokumanikidzwa kwaʋarombo, nokugomera kwaʋanoshaiwa, Ndicamuka ɀino nokuɗa kwaiɀoɀo: ndiɀo ɀinotaura Jehova; Ndicamuisa pakasimba ipo paanoshuʋa. Mashoko aJehova mashoko akacena; Sesirveri yakaidzwa muɓisiro panyika, Yakanatswa kanomŋe. Mucaʋaceŋgeta, Jehova, Mucaʋaceŋgeta parudzi urwu nokusiŋgaperi. Ʋakaipa ʋanofamba pamatiʋi ose, Kana ɀakashata ɀicikudzwa pakati paʋanakomana ʋaʋanhu.
Mapisarema 12:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)