Mapisarema 108:1-3
Mapisarema 108:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mwoyo wangu wakasimba, Mwari imi; ndichaimba uye ndichaimba zvakanaka nomwoyo wangu wose. Muka iwe mutengeranwa nembira! Ndichamutsa mambakwedza. Haiwa Jehovha ndichakurumbidzai pakati pendudzi; ndichaimba nezvenyu pakati pamarudzi. Kutendeka kwenyu kunosvika kumatenga.
Mapisarema 108:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mwoyo wangu wakasimba, Mwari; Ndichaimba, zvirokwazvo, ndichaimba nziyo dzokurumbidza, nomweya wangu wose. Muka iwe mutengeranwa nembira; Ini ndimene ndichamuka mangwanani. Ndichakuvongai Jehovha, pakati pendudzi dzavanhu; Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza pakati pavahedheni.
Mapisarema 108:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwoyo wangu wakagadzikana Mwari, mwoyo wakagadzikana. Ndichaimba ndichirumbidza; muka iwe mweya wangu. Mukai imi dimbwa nechipendani ndimutse mambakwedza. Ndichakutendai TENZI pakati pavanhu vamarudzi ndichaimba ndichikurumbidzai pakati pendudzi dzavanhu
Mapisarema 108:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋoyo waŋgu wakasimba, Mŋari; Ndicaimba, ɀirokwaɀo, ndicaimba nziyo dzokurumbidza, nomŋeya waŋgu wose. Muka iwe muteŋgeranwa nembira; Ini ndimene ndicamuka maŋgwanani. Ndicakuʋoŋgai Jehova, pakati pendudzi dzaʋanhu; Ndicakuimbirai nziyo dzokurumbidza pakati paʋahedeni.
Mapisarema 108:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)