Mapisarema 103:8-13
Mapisarema 103:8-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha ane tsitsi nenyasha, anononoka kutsamwa, azere norudo. Haangarambi achipomera mhosva, uye haangarambi akatsamwa nokusingaperi; haatiitiri sezvakafanira zvivi zvedu, kana kutipa mubayiro sezvakafanira zvakaipa zvedu. Nokuti sokukwirira kwaakaita kudenga kumusoro kwenyika, ndizvo zvakaita kukura kworudo rwake kuna vanomutya; sokuva kure kwamabvazuva namavirira, saizvozvo akabvisa kudarika kwedu kwatiri. Sokunzwira tsitsi kunoita baba vana vavo, saizvozvo Jehovha ane tsitsi pamusoro pavanomutya
Mapisarema 103:8-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha anetsitsi nenyasha, Haachimbidziki kutsamwa, ane ngoni zhinji. Haangarambi achirwa; Uye haangarambi akatsamwa nokusingaperi. Haana kutiitira sezvakafanira zvivi zvedu, Kana kutipa mubayiro sezvakafanira zvakaipa zvedu. Nokuti sokukwirira kwokudenga kumusoro, Ndizvo zvakaita kukura kwengoni dzake kuna vanomutya. Sokuva kure kwamabvazuva namavirira, Saizvozvo akabvisa kudarika kwedu kwose kure nesu. Sokunzwira tsitsi kwababa vana vake, Saizvozvo Jehovha anonzwira tsitsi vanomutya.
Mapisarema 103:8-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
TENZI ane tsitsi nengoni haakurumidzi kushatirwa uye ane mwoyochena wakawanda. Haarambi achingotsiura kana kuramba akashatirwa. Haatiitiri zvakaenzana nezvitadzo zvedu kana kutipa mubayiro maererano nouipi hwedu. Sokukwira kwakaita denga kubva pasi ndokukura kwakaita mwoyochena wake kuna vanomutya. Sokutaramukana kwakaita kumabvazuva nokumadokero ndokutaramutsa kwaanoita zvikanganiso zvedu kubva kwatiri. Sezvinoita baba kunzwira tsitsi vana vavo, TENZI anoitirawo tsitsi vanomutya
Mapisarema 103:8-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova unetsitsi nenyasha, Haacimbidziki kutsamŋa, uneŋgoni zhinji. Haaŋgarambi acirwa; Ʋuye haaŋgarambi akatsamŋa nokusiŋgaperi. Haana‐kutiitira seɀakafanira ɀiʋi ɀeɗu, Kana kutipa muɓairo seɀakafanira ɀakaipa ɀeɗu. Nokuti sokukwirira kwokuɗeŋga kumsoro, Ndiɀo ɀakaita kukura kweŋgoni dzake kunaʋanomutya. Sokuʋa‐kure kwamabvazuʋa namaʋirira, Saiɀoɀo wakabvisa kuɗarika kweɗu kwose kure nesu. Sokunzwira tsitsi kwaɓaɓa ʋana ʋake, Saiɀoɀo Jehova unonzwira tsitsi ʋanomutya.
Mapisarema 103:8-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)