Mapisarema 10:2-6
Mapisarema 10:2-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pakuzvikudza kwake munhu akaipa anovhima vasina simba, vanobatwa namano okufunga kwake. Anozvirumbidza pamusoro pezvinopangwa nomwoyo wake; anoropafadza vanokara uye anozvidza Jehovha. Pakuzvikudza kwake akaipa haamutsvaki; mundangariro dzake dzose hamuna nzvimbo yaMwari. Nzira dzake dzinobudirira nguva dzose; anozvikudza uye mirayiro yenyu iri kure naye; anodadira vavengi vake vose. Anoti pakufunga kwake, “Hakuna chichandizungunusa; ndichagara ndakafara uye handingatongotambudziki.”
Mapisarema 10:2-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pakuzvikudza kwake akaipa anotambudza murombo zvikuru; Ngavabatwe namano avakafunga. Nokuti wakaipa anozvirumbidza pamusoro pezvinoda mwoyo wake, Anoruchiva anoramba Jehovha nokumuzvidza. Nokuzvikudza kwechiso chake, wakaipa anoti, “Haangabvunzi.” Ndangariro dzake dzose dzinoti, “Hakuna Mwari.” Nzira dzake dzakasimba nguva dzose; Zvamunotonga imi zviri kure kumusoro, haazvioni; Kana vari vadzivisi vake vose, anovashora. Anoti mumwoyo make, “Handingazununguswi; Handingavi panhamo kusvikira kumarudzi angu ose.”
Mapisarema 10:2-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Munhu wakaipa anototi sika sika zvake kudzingirira murombo. Itai kuti vabatwe nemisungo yavakazviteera nokuti munhu akaipa anotozvirovera dundundu havi dzake. Munhu ana makaro anoshonha nokuramba TENZI. Munhu wakaipa, nokuzvikudza kwake, muna zvose zvaanofunga haana basa naTENZI, anoti, “Hakuna Mwari.” Zvose zvaanoita zvinobudirira. Matongero enyu ari kure naye; ari kokoko kumusoro kure naye; kana zviri zvavavengi vake, anovasinamisira uso. Anozviti nechomumwoyo, handimbotsukunyuki, pazvizvarwa zvose hapana chinondiwana.
Mapisarema 10:2-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pakuɀikudza kwake wakaipa unotambudza murombo ɀikuru; Ŋgaʋaɓatwe namano aʋakafuŋga. Nokuti wakaipa unoɀirumbidza pamsoro peɀinoɗa mŋoyo wake, Unoruciʋa unoramba Jehova nokumuɀidza. Nokuɀikudza kweciso cake, wakaipa unoti: Haaŋgabvunzi. Ndaŋgariro dzake dzose dzinoti: HakunaMŋari. Nzira dzake dzakasimba ŋguʋa dzose; Ɀamunotoŋga imi ɀiri kure kumsoro, haaɀiʋoni; Kana ʋari ʋadziʋisi ʋake ʋose, unoʋashoʋora. Unoti mumŋoyo make: Handiŋgazunuŋguswi; Handiŋgaʋi panhamo kuȿikira kumarudzi aŋgu ose.
Mapisarema 10:2-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)