Mapisarema 10:16-18
Mapisarema 10:16-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha ndiye Mambo nokusingaperi-peri; ndudzi dzichaparara munyika yake. Munonzwa henyu, imi Jehovha, zvishuvo zvavanotambura; munovakurudzira, uye munoteerera kuchema kwavo, muchiruramisira nherera nevakamanikidzwa, kuti munhu wenyika, arege kuramba achingovhundutsa.
Mapisarema 10:16-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha ndiye Mambo nokusingaperi-peri; Vahedheni vakaparadzwa munyika yake. Jehovha, makanzwa zvinodikanwa navanyoro; Muchasimbisa mwoyo yavo, mucharerekera nzeve yenyu; Kuti mutongere nherera neanotambudzwa, Kuti munhu wapanyika arege kuramba achivhundusa.
Mapisarema 10:16-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
TENZI ndimambo nokusingaperi, vechirudzi vachaparara munyika make. TENZI imi muchanzwa chichemo chavarombo. Muchavasimbisa mwoyo muchivarerekerera nzeve yenyu kuti muitire nherera navatamburi ruenzaniso kuitira kuti munhu akabva zvake kuvhu arege kutyisa.
Mapisarema 10:16-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova ndiye Mambo nokusiŋgaperi‐peri; Ʋahedeni ʋakaparadzwa munyika yake. Jehova, makanzwa ɀinoɗikanwa naʋanyoro; Mucasimbisa mŋoyo yaʋo, mucarerekera nzeʋe yenyu; Kuti mutoŋgere nherera nounotambudzwa, Kuti munhu wapanyika arege kuramba acivundusa.
Mapisarema 10:16-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)