Zvirevo 8:33-36
Zvirevo 8:33-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Teererai kurayira kwangu mugova vakachenjera; musakushayira hanya. Akaropafadzwa munhu anoteerera kwandiri, anorinda mazuva ose pamasuo angu. Anomira pamukova womusuo wangu. Nokuti ani naani anondiwana anowana upenyu uye anogamuchira nyasha kubva kuna Jehovha. Asi ani naani asingandiwani anozvikuvadza; vose vanondivenga vanoda rufu.”
Zvirevo 8:33-36 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Inzwai kurairira muve vakachenjera, Regai kukuramba. Munhu, anondinzwa, akaropafadzwa, Anorinda zuva rimwe nerimwe pamasuo angu, Anomira pazvivhivho zvemikova yangu. Nokuti andiwana, awana hupenyu, Achapiwa nyasha naJehovha. Asi anondishaiwa, anotadzira mweya wake; Vose vanondivenga, vanoda rufu.”
Zvirevo 8:33-36 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Teererai chidzidziso mungware, musachikande pasi. Akakomborerwa zvake munhu anonditeerera, anondigaririra zuva nezuva pamisuo yangu mikuru, akamirira pedyo nemisuo yangu. Nokuti anondiwana, anowana upenyu uye anofarirwa naTenzi. Asi munhu anondipotsa anozvikuvadza vose vanondivenga vanoda rufu.”
Zvirevo 8:33-36 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Inzwai kurairira muʋe ʋakacenjera, Regai kukuramba. Munhu, unondinzwa, wakaropafadzwa, Unorinda zuʋa rimŋe nerimŋe pamasuʋo aŋgu, Unomira paɀiʋiʋo ɀemikoʋa yaŋgu. Nokuti wandiwana, wawana ʋupenyu, Ucapiwa nyasha naJehova. Asi unondishaiwa, unotadzira mŋeya wake; Ʋose ʋanondiʋeŋga, ʋanoɗa rufu.
Zvirevo 8:33-36 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)