Zvirevo 8:27-32
Zvirevo 8:27-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndakanga ndiripo paakaisa matenga munzvimbo dzawo, paakaita denderedzwa pamusoro pamakungwa, paakaita makore kudenga uye paakasimbisa zvitubu zvamakungwa, paakapa gungwa miganhu yaro kuti mvura dzirege kudarika zvaakarayira, uye paakateya nheyo dzenyika. Ipapo ndini ndaiva mhizha parutivi rwake. Ndaigara ndichifara zuva nezuva, ndichifara nguva dzose pamberi pake, ndichifadzwa nenyika yake yose uye ndichifadzwa navanhu vose. “Saka zvino, vanakomana vangu, teererai kwandiri; vakaropafadzwa avo vanochengeta nzira dzangu.
Zvirevo 8:27-32 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Panguva yaakagadzira kudenga-denga, ndakanga ndiripo; Pakuisa kwake denderedzwa pamusoro pamakungwa; Panguva yaakasimbisa denga rose kumusoro, Pakusimba kwamatsime amakungwa; Panguva yaakaitira gungwa miganho yaro, Kuti mvura irege kudarika murayiro wake, Pakutara kwake nheyo dzapasi; Nenguva iyo ndaiva naye, ndiri mhizha; Ndaimufadza zuva rimwe nerimwe, Ndichitamba pamberi pake nguva dzose, Ndichitamba panyika yake, Ndichifadzwa navanakomana vavanhu. Saka zvino vanakomana vangu, nditeererei; Nokuti vanochengeta nzira dzangu vakaropafadzwa.
Zvirevo 8:27-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Paakasika matenga ndaivepo, paakaita denderedzwa, pamusoro pehwenje. Paakasimbisa matenga kumusoro paakaita zvisipiti zvomuhwenje, paakaisira gungwa miganhu yaro kuitira kuti mvura irege kutyora mitemo yake paakatara ugaro hwenyika, ipapo ndaiva parutivi pake, ndiri nyakumupa mazano. Ndaiva varaidzo yake zuva nezuva ndichifara zvangu pamberi pake nguva dzose, ndichifara munyika yake igere vanhu uye ndichifara muvanhu. “Zvino vanangu nditeererei, vakakomborerwa zvavo vanotevera nzira dzangu.
Zvirevo 8:27-32 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Paŋguʋa yaakagadzira kuɗeŋga‐ɗeŋga, ndakaŋga ndiri’po; Pakuisa kwake ɗenderedzwa pamsoro pamakuŋgwa; Paŋguʋa yaakasimbisa ɗeŋga rose kumsoro, Pakusimba kwamatsime amakuŋgwa; Paŋguʋa yaakaitira guŋgwa miganho yaro, Kuti mvura irege kuɗarika murairo wake, Pakutara kwake nheyo dzapasi; Neŋguʋa iyo ndaiʋa naye, ndiri mhizha; Ndai mufadza zuʋa rimŋene rimŋe, Ndicitamba pamberi pake ŋguʋa dzose, Ndicitamba panyika yake, Ndicifadzwa naʋanakomana ʋaʋanhu. Saka ɀino ʋanakomana ʋaŋgu, nditererei; Nokuti ʋanoceŋgeta nzira dzaŋgu ʋakaropafadzwa.
Zvirevo 8:27-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)