Zvirevo 8:14-26
Zvirevo 8:14-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zano nokutonga kwakanaka ndezvangu; ndine kunzwisisa nesimba. Madzimambo anobata ushe neni uye vatongi vanodzika mirayiro yakarurama; machinda anofambisa ushe neni, navakuru vose vanotonga panyika. Ndinoda avo vanondida, uye vaya vanonditsvaka vanondiwana. Pfuma nokukudzwa zvineni, upfumi hunogara nokururama. Chibereko changu chakanaka kupfuura goridhe rakaisvonaka; zvandinobereka zvinopfuura sirivha yakaisvonaka. Ndinofamba munzira dzokururama, pamakwara okururamisira, ndichipa upfumi kuna avo vanondida, uye ndichiita kuti matura avo azare. “Jehovha akandibudisa sebasa rake rokutanga pamabasa ake, kutangira mabasa ake akare; ndakagadzwa kubva pakusingaperi, kubva pakutanga, nyika isati yavapo. Makungwa asati avapo, ndakaberekwa, pasati pava nezvitubu zvine mvura zhinji; makomo asati aiswa munzvimbo dzawo, zvikomo zvisati zvavapo, ndakaberekwa, asati aita nyika neminda kana guruva ripi zvaro renyika.
Zvirevo 8:14-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndine zano rakanaka nokubata kwakakwana; Ndini kuchenjera; ndine simba. Madzimambo anobata ushe neni, Vabati vanotonga vanhu neni. Madzishe anofambisa ushe neni, Navakuru, ivo vatongi vose vapasi. Ndinoda vanondida; Vanonditsvaka nomwoyo wose vachandiwana. Pfuma nokukudzwa zvineni, Zvinokosha zvakaisvonaka nokururama. Zvibereko zvangu zvakanaka kupfuura ndarama, kunyange ndarama yakaisvonaka; Zvandinowana zvinopfuura sirivha yakasarurwa. Ndinofamba nenzira yokururama, Mukati mamakwara okururamisa; Kuti ndigarise nhaka vanondida, Ndizadze zvivigiro zvepfuma yavo. Jehovha akandiumba pakuvamba kwenzira yake, Kutangira mabasa ake akare. Ini ndakamiswa kubva pakusingaperi, kubva pakutanga, Pasi pasati pasikwa. Makungwa asati avapo, ini ndakaberekwa; Pasina matsime ane mvura zhinji. Makomo asati anyudzwa, Zvikomo zvisipo, ini ndakaberekwa; Iye asati aumba pasi namapani, Kana guruva rokutanga renyika.
Zvirevo 8:14-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndine mazano noungwaru kwahwo ndinoziva chinonzi kusarudza uye ndine simba. Madzimambo ndini chavanotongesa nacho uye vatongi vanotema zvakarurama, chavanotema nacho ndini. Machinda chavanotonga nacho ndini uyewo vakuru vakuru, vose vanotonga pasi. Ndinoda vanondida uye vose vanonditsvaka nomwoyo wose vanondiwana. Upfumi norukudzo ndinazvo uye upfumi hunogara uye hunokubudirira. Muchero wangu uri nani pane ndarama kunyange ndarama yakanakisa uye mukoho wangu unokunda sirivha yakanakisisa. Ndinofamba nenzira yoururami namakwara oruenzaniso. Ndinopfumisa vanondida ndichivazadzira matura avo. “Tenzi aiva neni pakutanga kwamaitiro ake chaiwo, ndini ndaiva chokutanga chezviito zvake zvakare. Ndakaitwa pasichigare pakutanga chaipo nyika isati yatangiswa. Ndakaberekwa hwenje husati hwavapo pasi pasati pava nezvisipiti zvizere nemvura. Ndakaberekwa makomo asati aumbwa, zvikomo zvisati zvavapo, asati aita pasi neminda yapo kana huruva yokutanga yapasi.
Zvirevo 8:14-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndinezano rakanaka nokuɓata kwakakwana; Ndini kucenjera; ndinesimba. Madzimambo anoɓata ʋushe neni, Ʋaɓati ʋanotoŋga ʋanhu neni. Madzishe anofambisa ʋushe neni, Naʋakuru, iʋo ʋatoŋgi ʋose ʋapasi. Ndinoɗa ʋanondiɗa; Ʋanonditȿaka nomŋoyo wose ʋacandiwana. Fuma nokukudzwa ɀineni, Ɀinokosha ɀakaiȿo‐naka nokururama. Ɀiɓereko ɀaŋgu ɀakanaka kupfuʋura ndarama, kunyaŋge ndarama yakaiȿo‐naka; Ɀandinowana ɀinopfuʋura sirveri yakasarurwa. Ndinofamba nenzira yokururama, Mukati mamakwara okururamisa; Kuti ndigarise nhaka ʋanondiɗa, Ndizadze ɀiʋigiro ɀefuma yaʋo. Jehova wakandiʋumba pakuʋamba kwenzira yake, Kutaŋgira maɓasa ake akare. Ini ndakamiswa kubva pakusiŋgaperi, kubva pakutaŋga, Pasi pasati pasikwa. Makuŋgwa asati aʋa’po, ini ndakaɓerekwa; Pasinamatsime anemvura zhinji. Makomo asati anyudzwa, Ɀikomo ɀisi’po, ini ndakaɓerekwa; Iye asati aʋumba pasi namapani, Kana guruʋa rokutaŋga renyika.
Zvirevo 8:14-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)