Zvirevo 7:24-27
Zvirevo 7:24-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Zvino imi vanakomana ndinzwei muteerere mashoko omuromo wangu. Mwoyo wako ngaurege kupindukira kunzira dzake usagare munzira dzake nokuti vaakakuvadza akarigira pasi vakawanda. Imba yake inzira yokuenda kunzvimbo yavafi, inodzika kudzimba dzorufu.
Zvirevo 7:24-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka zvino, vanakomana vangu, teererai kwandiri; nyatsoteererai zvandinotaura. Usarega mwoyo wako uchitsaukira kunzira dzake, kana kurasikira pamakwara ake. Vazhinji vakakuvadzwa naye vakawisirwa pasi; vaakauraya vakawanda kwazvo. Imba yake mugwagwa mukuru unoenda kuguva, uchitungamirira kumakamuri orufu.
Zvirevo 7:24-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vanakomana vangu, nditeererei, Inzwai mashoko omuromo wangu. Mwoyo wako ngaurege kutsaukira kunzira dzake; Usafamba-famba mumakwara ake. Nokuti akawisira pasi vazhinji vakakuvadzwa; Zvirokwazvo, vakaurawa naye vazhinji kwazvo. Imba yake inzira dzinoenda Sheori, Dzinoburukira kudzimba dzorufu.
Zvirevo 7:24-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino imi vanakomana ndinzwei muteerere mashoko omuromo wangu. Mwoyo wako ngaurege kupindukira kunzira dzake usagare munzira dzake nokuti vaakakuvadza akarigira pasi vakawanda. Imba yake inzira yokuenda kunzvimbo yavafi, inodzika kudzimba dzorufu.
Zvirevo 7:24-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋanakomana ʋaŋgu, nditererei, Inzwai mashoko omuromo waŋgu. Mŋoyo wako ŋgaurege kutsaukira kunzira dzake; Usafamba‐famba mumakwara ake. Nokuti wakawisira pasi ʋazhinji ʋakakuʋadzwa; Ɀirokwaɀo, ʋakaʋurawa naye ʋazhinji kwaɀo. Imba yake inzira dzinoenda Sheori, Dzinoɓurukira kudzimba dzorufu.