Zvirevo 7:21-27
Zvirevo 7:21-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Namashoko okunyengetedza akamutsausa; akamukwezva nokutaura kwake kunonyengera. Pakarepo akamutevera senzombe inoenda kundobayiwa, senondo inopinda mumusungo, kusvikira museve wabaya chiropa chake, seshiri inokurumidza kupinda muugombe, asingazivi kuti zvichamuurayisa. Saka zvino, vanakomana vangu, teererai kwandiri; nyatsoteererai zvandinotaura. Usarega mwoyo wako uchitsaukira kunzira dzake, kana kurasikira pamakwara ake. Vazhinji vakakuvadzwa naye vakawisirwa pasi; vaakauraya vakawanda kwazvo. Imba yake mugwagwa mukuru unoenda kuguva, uchitungamirira kumakamuri orufu.
Zvirevo 7:21-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokutaura kwake kuzhinji kwakanaka anomutsausa, Anomugombedzera nokubata kumeso kwemiromo yake. Anomutevera pakarepo, Senzombe inoenda kwainondobayiwa, Kana sebenzi rakasungwa rinoenda kundorangwa; Kusvikira museve wabaya chiropa chake; Seshiri inokurumidzira kurugombe, Asingazivi kuti zvinovinga upenyu hwake. Zvino vanakomana vangu, nditeererei, Inzwai mashoko omuromo wangu. Mwoyo wako ngaurege kutsaukira kunzira dzake; Usafamba-famba mumakwara ake. Nokuti akawisira pasi vazhinji vakakuvadzwa; Zvirokwazvo, vakaurawa naye vazhinji kwazvo. Imba yake inzira dzinoenda Sheori, Dzinoburukira kudzimba dzorufu.
Zvirevo 7:21-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akamugombedzera namashoko mazhinji okunyengetedza, namazwi ake akanyorovera akamumanikidza. Iyewo akabva amutevera pakarepo senzombe iri kuenda kundouraiwa, sebenzi riri kutungamidzwa kuchitokisi kusvikira abaiwa mudumbu, seshiri inomhanyira muriva, asingazivi kuti kuparara kwoupenyu hwake. Zvino imi vanakomana ndinzwei muteerere mashoko omuromo wangu. Mwoyo wako ngaurege kupindukira kunzira dzake usagare munzira dzake nokuti vaakakuvadza akarigira pasi vakawanda. Imba yake inzira yokuenda kunzvimbo yavafi, inodzika kudzimba dzorufu.
Zvirevo 7:21-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokutaura kwake kuzhinji kwakanaka unomutsausa, Unomugombedzera nokuɓata kumeso kwemiromo yake. Unomuteʋera pakarepo, Senzombe inoenda kwainondoɓayiwa, Kana seɓenzi rakasuŋgwa rinoenda kundoraŋgwa; Kuȿikira museʋe waɓaya ciropa cake; Seshiri inokurumidzira kurugombe, Asiŋgaziʋi kuti ɀinoʋiŋga ʋupenyu bgake. Ɀino ʋanakomana ʋaŋgu, nditererei, Inzwai mashoko omuromo waŋgu. Mŋoyo wako ŋgaurege kutsaukira kunzira dzake; Usafamba‐famba mumakwara ake. Nokuti wakawisira pasi ʋazhinji ʋakakuʋadzwa; Ɀirokwaɀo, ʋakaʋurawa naye ʋazhinji kwaɀo. Imba yake inzira dzinoenda Sheori, Dzinoɓurukira kudzimba dzorufu.
Zvirevo 7:21-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)