Zvirevo 5:18-20
Zvirevo 5:18-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Tsime rako ngariropafadzwe, uye ufadzwe nomudzimai woujaya hwako. Sehadzi yengururu inofadza, nehadzi yenondo yakanaka, mazamu ake ngaakufadze nguva dzose, ugare uchigutswa norudo rwake. Unosungirweiko, mwanakomana wangu, nomukadzi chifeve? Unombundikirireiko chipfuva chomukadzi womumwe murume?
Zvirevo 5:18-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Tsime rako ngariropafadzwe; Ufarire mukadzi wohujaya hwako. Sehadzi yenondo yakanaka, nehadzi yengururu inofadza; Mazamu ake ngaakufadze nguva dzose; Ugare uchigutiswa norudo rwake. Nokuti iwe, mwanakomana wangu, uchagutsirweiko nomukadzi wokumwe, Uchambundikireiko chipfuva chomweni?
Zvirevo 5:18-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Rega kasipiti kako kakomborerwe ufadzwe nomukadzi wapahudiki hwako sesheshe yemhembwe kunaka, senhunzvi yengururu yakanakisa kukuda kwake ngakukuzadze nokufara ugutsikane nguva dzose norudo rwake. Sei uchibatwa mwoyo mwanangu, nomukadzi asiwako uchimbundira chipfuva chepfambi?
Zvirevo 5:18-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tsime rako ŋgariropafadzwe; Ufarire mukadzi woʋujaya bgako. Sehadzi yenondo yakanaka, nehadzi yeŋgururu inofadza; Mazamu ake ŋgaakufadze ŋguʋa dzose; Ugare ucigutiswa noruɗo rwake. Nokuti iwe, mŋanakomana waŋgu, ucagutsirweiko nomukadzi wokumŋe, Ucambundikireiko cifuʋa comŋeni?
Zvirevo 5:18-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)