Zvirevo 5:15-21
Zvirevo 5:15-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Inwa mvura pachirongo chako chaicho, mvura inoerera patsime rako chairo. Ko, zvitubu zvako zvinofanira kuerera mumigwagwa here; nzizi dzako dzemvura pazvivara? Ngadzive dzako woga, hadzitombofaniri kugoveranwa navatorwa. Tsime rako ngariropafadzwe, uye ufadzwe nomudzimai woujaya hwako. Sehadzi yengururu inofadza, nehadzi yenondo yakanaka, mazamu ake ngaakufadze nguva dzose, ugare uchigutswa norudo rwake. Unosungirweiko, mwanakomana wangu, nomukadzi chifeve? Unombundikirireiko chipfuva chomukadzi womumwe murume? Nokuti nzira dzomunhu dziri pachena pamberi paJehovha, uye anoongorora nzira dzake dzose.
Zvirevo 5:15-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Inwa mvura inobva mumugodhi wako mvura inoerera inobva mutsime rako. Zvisipiti zvako zvongoyerera nenyika here mihoronga yemvura yako iyerere mumigwagwa zvayo here? Ngaive yako yoga kwete yevatorwa vaunavo. Rega kasipiti kako kakomborerwe ufadzwe nomukadzi wapahudiki hwako sesheshe yemhembwe kunaka, senhunzvi yengururu yakanakisa kukuda kwake ngakukuzadze nokufara ugutsikane nguva dzose norudo rwake. Sei uchibatwa mwoyo mwanangu, nomukadzi asiwako uchimbundira chipfuva chepfambi? Chiripo ndechokuti Tenzi anoona zviito zvomunhu anotarisa nzira dzake dzose.
Zvirevo 5:15-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Inwa mvura padziva rako chairo, Nemvura inoyerera patsime rako chairo. Ko matsime ako anofanira kuparadzirwa here, Nzizi dzemvura dziyerere munzira dzomumusha here? Ngazvive zvako zvoga, Zvisava zvavatorwa pamwechete newe. Tsime rako ngariropafadzwe; Ufarire mukadzi wohujaya hwako. Sehadzi yenondo yakanaka, nehadzi yengururu inofadza; Mazamu ake ngaakufadze nguva dzose; Ugare uchigutiswa norudo rwake. Nokuti iwe, mwanakomana wangu, uchagutsirweiko nomukadzi wokumwe, Uchambundikireiko chipfuva chomweni? Nokuti nzira dzomunhu dziri pamberi paJehovha; Ndiye anoyera makwara ake ose.
Zvirevo 5:15-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Inwa mvura inobva mumugodhi wako mvura inoerera inobva mutsime rako. Zvisipiti zvako zvongoyerera nenyika here mihoronga yemvura yako iyerere mumigwagwa zvayo here? Ngaive yako yoga kwete yevatorwa vaunavo. Rega kasipiti kako kakomborerwe ufadzwe nomukadzi wapahudiki hwako sesheshe yemhembwe kunaka, senhunzvi yengururu yakanakisa kukuda kwake ngakukuzadze nokufara ugutsikane nguva dzose norudo rwake. Sei uchibatwa mwoyo mwanangu, nomukadzi asiwako uchimbundira chipfuva chepfambi? Chiripo ndechokuti Tenzi anoona zviito zvomunhu anotarisa nzira dzake dzose.
Zvirevo 5:15-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Inwa mvura padziʋa rako cairo, Nemvura inoyerera patsime rako cairo. Ko matsime ako anofanira kuparadzirwa here, Nzizi dzemvura dziyerere munzira dzomumusha here? Ŋgaɀiʋe ɀako ɀoga, Ɀisaʋa ɀaʋatorwa pamŋe cete newe. Tsime rako ŋgariropafadzwe; Ufarire mukadzi woʋujaya bgako. Sehadzi yenondo yakanaka, nehadzi yeŋgururu inofadza; Mazamu ake ŋgaakufadze ŋguʋa dzose; Ugare ucigutiswa noruɗo rwake. Nokuti iwe, mŋanakomana waŋgu, ucagutsirweiko nomukadzi wokumŋe, Ucambundikireiko cifuʋa comŋeni? Nokuti nzira dzomunhu dziri pamberi paJehova; Ndiye unoyera makwara ake ose.