Zvirevo 4:7-10
Zvirevo 4:7-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uchenjeri chinhu chikuru; naizvozvo wana uchenjeri. Kunyange huchikutorera zvose zvaunazvo, wana kunzwisisa. Uhukudze; ipapo huchakusimudzira; uhumbundikire, ipapo huchakukudza. Huchakupfekedza chishongo chenyasha mumusoro mako, uye huchakupa korona yokubwinya.” Teerera, mwanakomana wangu, gamuchira zvandinotaura, ipapo makore oupenyu hwako achava mazhinji.
Zvirevo 4:7-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Uchenjeri chinhu chikuru kune zvose; saka uzviwanire uchenjeri; Uzviwanire njere nezvose zvaunazvo. Uhukudze, hugokukwiridza iwe; Huchakuvigira kukudzwa, kana uchihumbundikira. Huchapa musoro wako chishongo chakanaka; Huchakuisira korona inobwinya.” Chinzwa iwe mwanakomana wangu, ugamuchire zvandinoreva; Makore oupenyu hwako agova mazhinji.
Zvirevo 4:7-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chinhu chokutanga paungwaru, wana ungwaru. Pana zvose zvaungawane wana kunzwisisa.” Huremekedze zvikuru ihwo huchakusimudzira kana ukahumbundira. Hunokudzika tsungare yamaruva mumusoro hugokugadza ndaza yakanaka. Teerera mwanangu, utambire zvandinokutaurira kuti makore oupenyu hwako awande.
Zvirevo 4:7-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋucenjeri cinhu cikuru kuneɀose; saka uɀiwanire ʋucenjeri; Uɀiwanire njere neɀose ɀaunaɀo. Uʋukudze, ʋugokukwiridza iwe; Ʋucakuʋigira kukudzwa, kana uciʋumbundikira. Ʋucapa musoro wako cishoŋgo cakanaka; Ʋucakuisira korona inobginya. Cinzwa iwe mŋanakomana waŋgu, ugamucire ɀandinoreʋa; Makore oʋupenyu bgako agoʋa mazhinji.
Zvirevo 4:7-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)