Zvirevo 4:20-27
Zvirevo 4:20-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mwanakomana wangu, nyatsoteerera zvandinotaura; teereresa kumashoko angu. Usaite kuti abve pameso ako, achengete pakati pomwoyo wako; nokuti upenyu kuna avo vanoawana uye noutano kumuviri wose womunhu. Pamusoro pazvo zvose, chengetedza mwoyo wako, nokuti ndicho chitubu choupenyu. Bvisa zvinotsausa pamuromo wako; kutaura kwakaora ngakuve kure nemiromo yako. Meso ako ngaatarire mberi bedzi, ramba wakatarira mberi kwako. Gadzirira tsoka dzako gwara ugofamba munzira dzakasimba chete. Usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe; chengetedza rutsoka rwako kuti rusaende pane zvakaipa.
Zvirevo 4:20-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mwanakomana wangu, teerera mashoko angu; Rerekera nzeve yako kune zvandinoreva. Urambe uchitarira, Uachengete mukati momwoyo mako. Nokuti ndihwo hupenyu kuna vanoawana, Noukukutu hwemuviri wavo vose. Chengeta mwoyo wako kupfuura zvose zvinofanira kurindwa; Nokuti mukati mawo ndimo mune zvitubu zvoupenyu. Bvisa kwauri nhema dzomuromo; Kutsauka kwemiromo ngakuve kure newe. Meso ako ngaarurame pakutarira; Mafungiro ameso ako ngaatarire mberi kwako. Gadzirira tsoka dzako gwara; Nzira dzako dzose dzive dzakasimba. Usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe; Rutsoka rwako urubvise pane zvakaipa.
Zvirevo 4:20-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwanangu teerera mashoko angu rerekera nzeve yako kune zvandinoreva. Ngazvirege kupunyuka ziso rako zvichengete mumwoyo mako nokuti upenyu kuna anozviwana uye zvinorapa nyama yake yose. Nyatsochengetedza mwoyo wako nomwoyo wose nokuti mauri ndimo mune zvisipiti zvoupenyu. Bvisa mauri muromo wenhema uye pamuromo pako kutaura zvisizvo. Kutarisa kwako ngakuti twasa, yeva zviri pamberi pako. Tanga wafunga nzira yauchafamba nayo. Nzira dzako dzigove muchechetere usatsaukire kurudyi kana kuruboshe tsoka yako ngairege kuenda kunezvakaipa.
Zvirevo 4:20-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋanakomana waŋgu, terera mashoko aŋgu; Rerekera nzeʋe yako kuneɀandinoreʋa. Urambe uciatarira, Uaceŋgete mukati momŋoyo mako. Nokuti ndibgo ʋupenyu kunaʋanoawana, Noʋukukutu bgenyama yaʋo yose. Ceŋgeta mŋoyo wako kupfuʋura ɀose ɀinofanira kurindwa; Nokuti mukati mawo ndi’mo muneɀituɓu ɀoʋupenyu. Bvisa kwauri nhema dzomuromo; Kutsauka kwemiromo ŋgakuʋe kure newe. Meso ako ŋgaarurame pakutarira; Mafuŋgiro ameso ako ŋgaatarire mberi kwako. Gadzirira tsoka dzako gwara; Nzira dzako dzose dziʋe dzakasimba. Usatsaukira kurudyi kana kuruɓoshwe; Rutsoka rwako urubvise paneɀakaipa.
Zvirevo 4:20-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)