Zvirevo 4:11-13
Zvirevo 4:11-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinokudzidzisa nzira youchenjeri uye ndiri kukutungamirira panzira dzakarurama. Paunofamba, tsoka dzako hadzingapinganidzwi, paunomhanya, haungagumburwi. Batisisa kurayirwa, usarega kuchienda; nyatsokurinda zvakanaka, nokuti ndihwo upenyu hwako.
Zvirevo 4:11-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndakakudzidzisa panzira youchenjeri; Ndakakufambisa pamakwara akarurama. Kana uchifamba, tsoka dzako hadzingapinganidzwi; Kana uchimhanya, haungagumburwi. Natsa kubata kurairirwa; usakuregedza; Ukuchengete, nokuti ndihwo hupenyu hwako.
Zvirevo 4:11-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndakakudzidzisa nzira dzoungwaru ndikakutungamirira mumakwara ukava pachokwadi. Kana wofamba, nhanho dzako hadzizovhiringidzwi, kana womhanya haugumburwi. Batisisa zvaunodzidziswa, usazvikande pasi, ramba wakazvichengeta nokuti ndihwo upenyu hwako.
Zvirevo 4:11-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndakakudzidzisa panzira yoʋucenjeri; Ndakakufambisa pamakwara akarurama. Kana ucifamba, tsoka dzako hadziŋgapiŋganidzwi; Kana ucimhanya, hauŋgagumburwi. Natsa kuɓata kurairirwa; usakuregedza; Ukuceŋgete, nokuti ndibgo ʋupenyu bgako.
Zvirevo 4:11-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)