Zvirevo 4:1-6
Zvirevo 4:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Teererai, vanakomana vangu, kurayira kwababa venyu; nyatsoteererai mugowana kunzwisisa. Ndinokupai dzidziso yakanaka, saka regai kurasa dzidziso yangu. Pandakanga ndiri mukomana mumba mababa vangu, ndichiri muduku uye mwana mumwe chete wamai vangu, baba vangu vakandidzidzisa vachiti, “Mwoyo wako ngaubatisise mashoko angu; chengeta mirayiro yangu ugorarama. Wana uchenjeri, wana kunzwisisa; usakanganwa mashoko angu kana kubva paari. Usarasa uchenjeri, ipapo huchakuchengeta; hude, ihwo hugokurinda.

Zvirevo 4:1-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Imi vanakomana, inzwai kurairira kwababa venyu; Teererai, muzive njere. Nokuti ndinokupai dzidziso yakanaka; Regai kurasha murayiro wangu. Nokuti ini ndakanga ndiri mwanakomana kuna baba vangu, Mwana oga akadikanwa kwazvo, namai vangu; Ivo baba vakandidzidzisa, vakati kwandiri, “Mwoyo wako ngaunatsobata mashoko angu; Chengeta mirairo yangu, urarame. Zviwanire uchenjeri, zviwanire njere; Regai kukanganwa kana kutsauka pamashoko omuromo wangu; Usaurasha, hugokuchengeta; Uude, hugokurinda.
Zvirevo 4:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chinzwai vanangu chidzidziso chababa muteerere kuti muone zvinhu nemazvo nokuti ndichakupai mirao yakanaka, musakande pasi zvandinokudzidzisai. Zvandaiva mukomana ndiina baba vangu, ndichiri mudiki, ndichingove ndini mwana mumwechete waamai vangu vakandidzidzisa vachiti, “Chengeta nomwoyo wose zvandinokutaurira chengeta mitemo yangu kuti urarame. Iva noungwaru uone zvinhu nemazvo usakanganwe, usatsauke pamashoko omuromo wangu. Usasiane noungwaru, ihwo huchakuchengeta hude, ihwo huchakuchengetedza.
Zvirevo 4:1-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Imi ʋanakomana, inzwai kurairira kwaɓaɓa ʋenyu; Tererai, muziʋe njere. Nokuti ndinokupai dzidziso yakanaka; Regai kurasha murairo waŋgu. Nokuti ini ndakaŋga ndiri mŋanakomana kunaɓaɓa ʋaŋgu, Mŋana wakaɗikanwa kwaɀo, mumŋe woga pamberi pamai ʋaŋgu; Iʋo ɓaɓa ʋakandidzidzisa, ʋakati kwandiri: Mŋoyo wako ŋgaunatso‐ɓata mashoko aŋgu; Ceŋgeta mirairo yaŋgu, urarame. Ɀiwanire ʋucenjeri, ɀiwanire njere; Rega kukaŋganwa kana kutsauka pamashoko omuromo waŋgu; Usaʋurasha, ʋugokuceŋgeta; Uʋuɗe, ʋugokurinda.
Zvirevo 4:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)