Zvirevo 31:27-31
Zvirevo 31:27-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Anotarira zvakanaka mararamiro emhuri yake, uye haadyi zvokudya zvousimbe. Vana vake vanosimuka vagomuti akaropafadzwa, murume wakewo, anomurumbidza: “Vakadzi vazhinji vanoita zvinhu zvakanaka, asi iwe unovakunda vose.” Zvinofadza zvinonyengera, uye runako ndorwenguva duku; asi mukadzi anotya Jehovha anofanira kurumbidzwa. Mupeiwo mubayiro wake waakashandira, uye mabasa ake ngaamupe kurumbidzwa pasuo reguta.
Zvirevo 31:27-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Anotarira zvakanaka kufamba kwemhuri yake, Asingadyi zvokudya zvousimbe. Vana vake vanomuka, vachimuti, “Makaropafadzwa;” Nomurume wakewo anomurumbidza, achiti, “Vakunda vazhinji vakaita zvakanaka, Asi iwe unovakunda vose.” Zvinofadza zvinonyengedzera, unaki hahuna maturo; Asi mukadzi anotya Jehovha, ndiye anofanira kurumbidzwa. Chimupai zvakafanira zvaakabata namaoko ake; Mabasa ake ngaamurumbidze pamasuo eguta.
Zvirevo 31:27-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Anoongorora kuti mhuri yake yakagara sei, haadyi chokudya chounyope. Vana vake vanosimuka vachimuti, “Makakomborerwa,” uyewo murumwe wake anomurumbidza achiti, “Vakadzi vazhinji vakaita zvakanakisisa asi iwe unovakunda vose.” Kuyevedza kunonyengedza, runako haruna maturo asi mudzimai anotya Tenzi anofanira kurumbidzwa. Anofanira kurumbidzwa pamusana pezvaakaita namaoko ake ngaarumbidzwe namabasa ake padare.
Zvirevo 31:27-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Unotarira ɀakanaka kufamba kwemhuri yake, Asiŋgadyi ɀokudya ɀoʋusimbe. Ʋana ʋake ʋanomuka, ʋacimuti: Ʋakaropafadzwa; Nomurume wake ʋo unomurumbidza, aciti: Ʋakunda ʋazhinji ʋakaita ɀakanaka, Asi iwe unoʋakunda ʋose. Ɀinofadza ɀinonyeŋgedzera, ʋunaki haʋunamaturo; Asi mukadzi unotya Jehova, ndiye unofanira kurumbidzwa. Cimupai ɀakafanira ɀaakaɓata namaʋoko ake; Maɓasa ake ŋgaamurumbidze pamasuʋo eguta.
Zvirevo 31:27-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)