Zvirevo 31:13-15
Zvirevo 31:13-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Anotsvaka wuru netseta achishanda nomwoyo unoda. Akaita sengarava dzomushambadzi anobva nechokudya chake kure. Anomuka huchiri usiku achipa mhuri yake zvokudya uye basa kuvasikana vake vebasa.
Zvirevo 31:13-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Anosarudza wuru neshinda uye anoshanda namaoko anoshingaira. Akafanana nezvikepe zvavatengesi, anondotora zvokudya zvake kure. Anomuka kuchakasviba; agotsvagira mhuri yake zvokudya uye agopa varandakadzi vake basa ravo.
Zvirevo 31:13-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Anotsvaka mvere noruchinda, Achibata namaoko ake nomufaro. Akafanana nezvikepe zvavatengesi; Anondotora zvokudya zvake kure. Anomuka huchiri usiku, Nokupa mhuri yake zvokudya, Navashandiri vake basa ravo.
Zvirevo 31:13-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Anotsvaka wuru netseta achishanda nomwoyo unoda. Akaita sengarava dzomushambadzi anobva nechokudya chake kure. Anomuka huchiri usiku achipa mhuri yake zvokudya uye basa kuvasikana vake vebasa.
Zvirevo 31:13-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Unotȿaka mvere norucinda, Aciɓata namaʋoko ake nomufaro. Wakafanana neɀikepe ɀaʋateŋgesi; Unondotora ɀokudya ɀake kure. Unomuka ʋuciri ʋusiku, Nokupa mhuri yake ɀokudya, Naʋashandiri ʋake ɓasa raʋo.