Zvirevo 30:4
Zvirevo 30:4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndiani akakwidza kudenga uye akazoburuka? Ndiani akabata mhepo mumaoko ake? Ndiani akasungirira mvura munguo yake? Ndiani akaisa migumo yose yenyika? Zita rake ndiani, uye nezita romwanakomana wake? Ndiudzei kana muchiriziva!
Zvirevo 30:4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndiani akakwira kudenga, akaburukazve? Ndiani akasungira mvura munguo yake? Ndiani akasungira migumo yose yenyika? Zita rake ndiani, nezita romwanakomana wake, kana uchiriziva?
Zvirevo 30:4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ko ndiani akambokwira kudenga akaburuka? Ndiani ati aunganidza mhepo muchanza chake? Ndiani amboti aputira mvura mujira? Ndiani akaisa miganhu yose yenyika? Zita rake ndiani, mwana wake mukomana zita rake ndiani, kana uchiriziva?
Zvirevo 30:4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndiani wakakwira kuɗeŋga, akaɓuruka ɀe? Ndiani wakaʋuŋganidza mhepo mucanza cake? Ndiani wakasuŋgira mvura muŋguʋo yake? Ndiani wakasimbisa migumo yose yenyika? Zita rake ndiani, nezita romŋanakomana wake, kana uciriziʋa?
Zvirevo 30:4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)