Zvirevo 30:21-23
Zvirevo 30:21-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Nyika inodedera nokuda kwezvinhu zvitatu, zvinhu zvina zvaisingadi kuona: muranda anozova mambo, benzi rine zvokudya zvizhinji, mukadzi akaroorwa asi asingadiwi, nomurandakadzi anotorera vatenzi vake murume.

Zvirevo 30:21-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nyika inodedera nokuda kwezvinhu zvitatu; Uye nokuda kwezvina zvaisingadi kuona; Nokuda kwomuranda kana achizova mambo; Nokuda kwebenzi, kana raguta zvokudya; Nokuda kwomukadzi arambwa, kana azowanikwa; Uye mushandiri, kana azova mugari wenhaka yatenzi wake.
Zvirevo 30:21-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kune zvinhu zvitatu zvinodengenyesa nyika kutosvika zvina zvaisingagoni kutirira zvinoti: Muranda anova mambo, benzi kana raguta, mukadzi asingadiwe azowana murume uye kana musikana webasa akatsiva amai vemba.
Zvirevo 30:21-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nyika inoɗeɗera nokuɗa kweɀinhu ɀitatu; Ʋuye nokuɗa kweɀinna ɀaisiŋgaɗi kuʋona: Nokuɗa kwomuranda kana acizoʋa mambo; Nokuɗa kweɓenzi, kana raguta ɀokudya; Nokuɗa kwomukadzi warambga, kana azowanikwa; Ʋuye mushandiri, kana azoʋa mugari wenhaka yatenzi wake.
Zvirevo 30:21-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)