Zvirevo 3:33-35
Zvirevo 3:33-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kutuka kwaJehovha kuri paimba yeakaipa, asi anoropafadza musha womunhu akarurama. Anoseka vaseki vanozvikudza, asi anoitira nyasha vanozvininipisa. Vakachenjera vanowana kukudzwa, asi mapenzi anozviwanira kunyadziswa.
Zvirevo 3:33-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kutukwa naJehovha kuri mumba mowakaipa; Asi unoropafadza ugaro hwavakarurama. Kana vari vadadi, anovadadira, Asi vanozvininipisa anovaitira nyasha. Vakachenjera vachagara nhaka yokukudzwa; Asi mapenzi anozviwanira kunyadziswa.
Zvirevo 3:33-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi anoita kuti imba yomunhu wakaipa iwirwe norushambwa asi dzimba dzavakarurama anodzikomborera. Vanoshora anovashorawo asi vanozvidukupisa anovaitira mwoyochena. Vangwaru vanowana mugove worukudzo asi mapenzi, chavo kuwanziridza kunyara.
Zvirevo 3:33-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kutuka kwaJehova kuri mumba mowakaipa; Asi unoropafadza ʋugaro bgaʋakarurama. Kana ʋari ʋaɗaɗi, unoʋaɗaɗira, Asi ʋanoɀininipisa unoʋaitira nyasha. Ʋakacenjera ʋacagara nhaka yokukudzwa; Asi mapenzi anoɀiwanira kunyadziswa.
Zvirevo 3:33-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)