Zvirevo 3:32-35
Zvirevo 3:32-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
nokuti Jehovha anovenga munhu akatsauka, asi anoudza akarurama zvaanoda kuita. Kutuka kwaJehovha kuri paimba yeakaipa, asi anoropafadza musha womunhu akarurama. Anoseka vaseki vanozvikudza, asi anoitira nyasha vanozvininipisa. Vakachenjera vanowana kukudzwa, asi mapenzi anozviwanira kunyadziswa.
Zvirevo 3:32-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti mutsauki inyangadzi kuna Jehovha; Asi ano hukama navakarurama. Kutukwa naJehovha kuri mumba mowakaipa; Asi unoropafadza ugaro hwavakarurama. Kana vari vadadi, anovadadira, Asi vanozvininipisa anovaitira nyasha. Vakachenjera vachagara nhaka yokukudzwa; Asi mapenzi anozviwanira kunyadziswa.
Zvirevo 3:32-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
nokuti Tenzi anosema munhu ano mwoyo wakaipa asi munhu ari pachokwadi munhu wake wapamwoyo. Tenzi anoita kuti imba yomunhu wakaipa iwirwe norushambwa asi dzimba dzavakarurama anodzikomborera. Vanoshora anovashorawo asi vanozvidukupisa anovaitira mwoyochena. Vangwaru vanowana mugove worukudzo asi mapenzi, chavo kuwanziridza kunyara.
Zvirevo 3:32-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti mutsauki inyaŋgadzi kunaJehova; Asi unoʋukama naʋakarurama. Kutuka kwaJehova kuri mumba mowakaipa; Asi unoropafadza ʋugaro bgaʋakarurama. Kana ʋari ʋaɗaɗi, unoʋaɗaɗira, Asi ʋanoɀininipisa unoʋaitira nyasha. Ʋakacenjera ʋacagara nhaka yokukudzwa; Asi mapenzi anoɀiwanira kunyadziswa.
Zvirevo 3:32-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)