Zvirevo 3:27-32
Zvirevo 3:27-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Usarege kuitira munhu anokodzera kuitirwa zvakanaka kana uchizvikwanisa. Usati kuno mumwe wako enda zvako uzouyazve, mangwana ndozokupa asi iwe uinacho. Usaronge kuitira mumwe wako zvakaipa anogara pamwechete newe achivimba newe. Rega kumutsana nomunhu pasina chiripo, asina chaakutadzira. Usaitire shanje munhu weganyavhu usasarudze kana imwe yenzira dzake nokuti Tenzi anosema munhu ano mwoyo wakaipa asi munhu ari pachokwadi munhu wake wapamwoyo.
Zvirevo 3:27-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Usarega kuitira zvakanaka kuno uyo akafanirwa nazvo, kana zviri musimba rako kuzviita. Usati kumuvakidzani wako, “Ugodzoka imwe nguva; ndichazokupa mangwana,” iwe uchitova nazvo pauri. Usaronga kuitira muvakidzani wako zvakaipa, anogara nechivimbo pedyo newe. Usapomera munhu mhosva pasina chikonzero, iye asina zvaakutadzira. Usachiva munhu anoita zvinhu nechisimba, kana kusarudza ipi zvayo yenzira dzake, nokuti Jehovha anovenga munhu akatsauka, asi anoudza akarurama zvaanoda kuita.
Zvirevo 3:27-32 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Munhu, akafanirwa, usaramba kumuitira zvakanaka Kana ruoko rwako ruchinge rune simba kuzviita. Usati kunowokwako, “Enda, ugodzokazve, Mangwana ndichakupa;” Kana uchinge unazvopo. Usafunga kuitira wokwako zvakaipa, Zvaanogara hake newe achikutenda. Usarwa nomunhu pasina mhosva, Kana asina kukuitira zvakaipa. Usagodora munhu anomanikidza; Usatevera kunyange nomumwe wemitoo yake. Nokuti mutsauki inyangadzi kuna Jehovha; Asi ano hukama navakarurama.
Zvirevo 3:27-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Usarege kuitira munhu anokodzera kuitirwa zvakanaka kana uchizvikwanisa. Usati kuno mumwe wako enda zvako uzouyazve, mangwana ndozokupa asi iwe uinacho. Usaronge kuitira mumwe wako zvakaipa anogara pamwechete newe achivimba newe. Rega kumutsana nomunhu pasina chiripo, asina chaakutadzira. Usaitire shanje munhu weganyavhu usasarudze kana imwe yenzira dzake nokuti Tenzi anosema munhu ano mwoyo wakaipa asi munhu ari pachokwadi munhu wake wapamwoyo.
Zvirevo 3:27-32 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Munhu, wakafanirwa, usaramba kumuitira ɀakanaka Kana ruʋoko rwako ruciŋge runesimba kuɀiita. Usati kunowokwako: Enda, ugodzoka ɀe, Maŋgwana ndicakupa; Kana uciŋge unaɀo’po. Usafuŋga kuitira wokwako ɀakaipa, Ɀaanogara hake newe acikutenda. Usarwa nomunhu pasinemhoȿa, Kana asina‐kukuitira ɀakaipa. Usagoɗora munhu unomanikidza; Usateʋera kunyaŋge nomumŋe wemitoʋo yake. Nokuti mutsauki inyaŋgadzi kunaJehova; Asi unoʋukama naʋakarurama.