Zvirevo 3:16-18
Zvirevo 3:16-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mazuva mazhinji oupenyu ari muruoko rwahwo rworudyi; muruboshwe rwahwo mune upfumi nokukudzwa. Nzira dzahwo dzinofadza, uye makwara ahwo ose rugare. Ndihwo muti woupenyu kuna vose vanohumbundikira; vose vanohubata vacharopafadzwa.
Zvirevo 3:16-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Murudyi rwahwo muno upenyu hurefu muruboshwe mahwo muno upfumi norukudzo. Nzira dzahwo inzira dzinofadza uye maitiro ahwo ndoorugare. Muti woupenyu kuna vanohuwana. Vanohubatisisa vanonzi vakakomborerwa zvavo.
Zvirevo 3:16-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mazuva mazhinji ohupenyu ari muruoko rwahwo rworudyi; Muruoko rwahwo rworuboshwe mune pfuma nokukudzwa. Nzira dzahwo inzira dzezvinofadza; Makwara ahwo ose ndoorugare. Ndiwo muti woupenyu kuna vanohunamatira; Mumwe nomumwe anohubata anomufaro.
Zvirevo 3:16-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Murudyi rwahwo muno upenyu hurefu muruboshwe mahwo muno upfumi norukudzo. Nzira dzahwo inzira dzinofadza uye maitiro ahwo ndoorugare. Muti woupenyu kuna vanohuwana. Vanohubatisisa vanonzi vakakomborerwa zvavo.
Zvirevo 3:16-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mazuʋa mazhinji oʋupenyu ari muruʋoko rwabgo rworudyi; Muruʋoko rwabgo rworuɓoshwe munefuma nokukudzwa. Nzira dzabgo inzira dzeɀinofadza; Makwara abgo ose ndoorugare. Ndiwo muti woʋupenyu kunaʋanoʋunamatira; Mumŋe nomumŋe unoʋuɓata unomufaro.