Zvirevo 3:1-6
Zvirevo 3:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu, asi uchengete mirayiro yangu mumwoyo mako, nokuti zvichawedzera makore mazhinji kuupenyu hwako, uye nokubudirira. Rudo nokutendeka ngazvirege kukusiya; uzvisungirire pamutsipa wako, zvinyore pahwendefa romwoyo wako. Ipapo uchawana nyasha nezita rakanaka pamberi paMwari navanhu. Vimba naJehovha nomwoyo wako wose urege kuzendamira panjere dzako; munzira dzako dzose umutungamidze, uye acharuramisa nzira dzako.
Zvirevo 3:1-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu; Asi mwoyo wako ngauchengete mirairo yangu; Nokuti zvichakuwedzera mazuva mazhinji, Namakore ohupenyu, norugare. Rudo nezvokwadi ngazvirege kukusiya; Uzvisungire pamutsipa wako; Uzvinyore pahwendefa romwoyo wako; Nokudaro uchawana nyasha nenjere dzakanaka Pamberi paMwari navanhu. Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, Urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, Agoruramisa makwara ako ose.
Zvirevo 3:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwanangu usakanganwe chidzidziso changu, mwoyo wako ngauchengete mitemo yangu nokuti zvichakupa mazuva mazhinji namakore oupenyu akawanda uye kugarika kukuru. Usasiane nokuvimbika nokutendeseka zvisungirire muhuro, zvinyore pachiredhi chemwoyo wako. Naizvozvo uchava nezita rakanaka uchifarirwa naMwari navanhu. Vimba naTenzi nomwoyo wako wose usavimbe nokuona kwako zvinhu nemazvo. Muzviito zvako zvose muzive, iye achatasanudza nzira dzako
Zvirevo 3:1-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋanakomana waŋgu, usakaŋganwa kudzidzisa kwaŋgu; Asi mŋoyo wako ŋgauceŋgete mirairo yaŋgu; Nokuti ɀicakuwedzera mazuʋa mazhinji, Namakore oʋupenyu, norugare. Ruɗo neɀokwaɗi ŋgaɀirege kukusiya; Uɀisuŋgire pamutsipa wako; Uɀinyore pahwendefa romŋoyo wako; Nokuɗaro ucawana nyasha nenjere dzakanaka Pamberi paMŋari naʋanhu. Ʋimba naJehova nomŋoyo wako wose, Urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, Agoruramisa makwara ako ose.
Zvirevo 3:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)