Zvirevo 3:1-3
Zvirevo 3:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu, asi uchengete mirayiro yangu mumwoyo mako, nokuti zvichawedzera makore mazhinji kuupenyu hwako, uye nokubudirira. Rudo nokutendeka ngazvirege kukusiya; uzvisungirire pamutsipa wako, zvinyore pahwendefa romwoyo wako.
Zvirevo 3:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Mwanangu usakanganwe chidzidziso changu, mwoyo wako ngauchengete mitemo yangu nokuti zvichakupa mazuva mazhinji namakore oupenyu akawanda uye kugarika kukuru. Usasiane nokuvimbika nokutendeseka zvisungirire muhuro, zvinyore pachiredhi chemwoyo wako.
Zvirevo 3:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu; Asi mwoyo wako ngauchengete mirairo yangu; Nokuti zvichakuwedzera mazuva mazhinji, Namakore ohupenyu, norugare. Rudo nezvokwadi ngazvirege kukusiya; Uzvisungire pamutsipa wako; Uzvinyore pahwendefa romwoyo wako
Zvirevo 3:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwanangu usakanganwe chidzidziso changu, mwoyo wako ngauchengete mitemo yangu nokuti zvichakupa mazuva mazhinji namakore oupenyu akawanda uye kugarika kukuru. Usasiane nokuvimbika nokutendeseka zvisungirire muhuro, zvinyore pachiredhi chemwoyo wako.
Zvirevo 3:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋanakomana waŋgu, usakaŋganwa kudzidzisa kwaŋgu; Asi mŋoyo wako ŋgauceŋgete mirairo yaŋgu; Nokuti ɀicakuwedzera mazuʋa mazhinji, Namakore oʋupenyu, norugare. Ruɗo neɀokwaɗi ŋgaɀirege kukusiya; Uɀisuŋgire pamutsipa wako; Uɀinyore pahwendefa romŋoyo wako