Zvirevo 3:1-10
Zvirevo 3:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu, asi uchengete mirayiro yangu mumwoyo mako, nokuti zvichawedzera makore mazhinji kuupenyu hwako, uye nokubudirira. Rudo nokutendeka ngazvirege kukusiya; uzvisungirire pamutsipa wako, zvinyore pahwendefa romwoyo wako. Ipapo uchawana nyasha nezita rakanaka pamberi paMwari navanhu. Vimba naJehovha nomwoyo wako wose urege kuzendamira panjere dzako; munzira dzako dzose umutungamidze, uye acharuramisa nzira dzako. Usazviita munhu akachenjera pamaonero ako; itya Jehovha uvenge zvakaipa. Izvi zvichava utano pamuviri wako uye nokusimbiswa kwamapfupa ako. Kudza Jehovha nepfuma yako, zvokutanga zvezvirimwa zvako; ipapo matura ako achazadzwa kusvikira pakufashukira, uye makate ako achazara kusvika pamusoro newaini itsva.
Zvirevo 3:1-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu; Asi mwoyo wako ngauchengete mirairo yangu; Nokuti zvichakuwedzera mazuva mazhinji, Namakore ohupenyu, norugare. Rudo nezvokwadi ngazvirege kukusiya; Uzvisungire pamutsipa wako; Uzvinyore pahwendefa romwoyo wako; Nokudaro uchawana nyasha nenjere dzakanaka Pamberi paMwari navanhu. Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, Urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, Agoruramisa makwara ako ose. Usazviti ndakachenjera; Itya Jehovha, ubve pane zvakaipa; Zvichava mushonga womuviri wako, Nomwongo wamapfupa ako. Kudza Jehovha nezvaunazvo, Uye nezvitsva zvazvose zvawakawana; Ipapo matura ako achazadzwa nezvakawanda, Makate ako achapfachuka newaini itsva.
Zvirevo 3:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwanangu usakanganwe chidzidziso changu, mwoyo wako ngauchengete mitemo yangu nokuti zvichakupa mazuva mazhinji namakore oupenyu akawanda uye kugarika kukuru. Usasiane nokuvimbika nokutendeseka zvisungirire muhuro, zvinyore pachiredhi chemwoyo wako. Naizvozvo uchava nezita rakanaka uchifarirwa naMwari navanhu. Vimba naTenzi nomwoyo wako wose usavimbe nokuona kwako zvinhu nemazvo. Muzviito zvako zvose muzive, iye achatasanudza nzira dzako usazviite munhu anoziva itya Tenzi ufuratire uipi. Zvichakurapa muviri wako zvigonyava mapfupa ako. Remekedza Tenzi nezvaunazvo uye nembesanwa dzinotanga kuibva. Matura ako anobva azadzwa nezvakawanda makuvi ako ewaini anozopfachukira.
Zvirevo 3:1-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋanakomana waŋgu, usakaŋganwa kudzidzisa kwaŋgu; Asi mŋoyo wako ŋgauceŋgete mirairo yaŋgu; Nokuti ɀicakuwedzera mazuʋa mazhinji, Namakore oʋupenyu, norugare. Ruɗo neɀokwaɗi ŋgaɀirege kukusiya; Uɀisuŋgire pamutsipa wako; Uɀinyore pahwendefa romŋoyo wako; Nokuɗaro ucawana nyasha nenjere dzakanaka Pamberi paMŋari naʋanhu. Ʋimba naJehova nomŋoyo wako wose, Urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, Agoruramisa makwara ako ose. Usaɀiti wakacenjera; Itya Jehova, ubve paneɀakaipa; Ɀicaʋa mushoŋga womuʋiri wako, Nomŋoŋgo wamafupa ako. Kudza Jehova neɀaunaɀo, Ʋuye neɀitȿa ɀaɀose ɀawakawana; Ipapo matura ako acazadzwa neɀakawanda, Makate ako acapfacuka newaini itȿa.
Zvirevo 3:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)