Zvirevo 26:17-28
Zvirevo 26:17-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Somunhu anobata imbwa nenzeve dzayo, ndizvo zvakaita mupfuuri anopindira pagakava risinei naye. Somupengo unopotsera zvitsiga zvomoto, kana miseve inouraya, ndizvo zvakaita munhu anonyengera muvakidzani wake uye achizoti, “Ndanga ndichiita zvangu je-e!” Pasina huni moto unodzima; pasina makuhwa kukakavara kunopera. Sezvakaita mazimbe pazvitsiga zvinopfuta nehuni pamoto, ndizvo zvakaita munhu wegakava pakupfutidza rukave. Mashoko eguhwa akaita semisuva yakaisvonaka inodzika mukatikati momunhu. Sezvinopenya zvakanamirwa kunze kwomudziyo wevhu, ndizvo zvakaita miromo inotaura zvinoyevedza, asi nomwoyo wakaipa. Muparadzi anozvivanza namatauriro ake, asi mumwoyo make akaviga ruvengo. Kunyange mashoko ake achitapira, usatenda zvaanotaura, nokuti mumwoyo make mune zvinonyangadza zvinomwe. Ruvengo rwake rungavigwa mukunyengera kwake, asi kuipa kwake kuchabudiswa pachena paungano. Kana munhu akachera gomba, achawira mariri; kana munhu akakungurutsa ibwe, richakunguruka, richidzokera pamusoro pake. Rurimi runoreva nhema runovenga varunorwadzisa, uye muromo unobata kumeso unoparadza.
Zvirevo 26:17-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Somunhu anobata imbwa nenzeve dzayo, ichingopfuura hayo, Ndizvo zvakaita munhu anozvipinza pagakava raasina mhosva naro. Somupengo anokanda zvitsika, Nemiseve, nezvinouraya, Ndizvo zvinoita munhu anonyengedzera wokwake, Achiti, “Ndinongoita zvangu jee!” Moto unodzima nokushaiwa huni; Uye kana kusina mucheri, gakava rinopera. Sezvakaita mazimbe pazvitsika zvinopfuta, nehuni pamoto, Ndizvo zvakaita munhu wegakava pakupfutidza rukave. Mashoko omucheri akaita sezvimedu zvinozipa, Zvinoburukira mukati-kati momuviri. Miromo inopisa norudo pamwechete nomwoyo wakaipa, Zvakafanana nomudziyo wevhu wakanamirwa namarara anobva pasirivha. Muvengi anonyengedzera nemiromo yake, Asi anovanza kunyengedzera mumwoyo make. Kana achitaura zvinonaka, usamutenda; Nokuti mumwoyo make mune zvinonyangadza zvinomwe. Kunyange kuvenga kwake kuchizvivanza nokunyengedzera, Kushata kwake kuchabudiswa pachena pamberi peungano. Ani naani anochera gomba, achawiramo iye; Anokungurusa ibwe, richadzokera pamusoro pake. Rurimi rwenhema runovenga akuvadzwa narwo; Nomuromo unobata kumeso unoparadza.
Zvirevo 26:17-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Munhu anozvipinza mugakava risiri rake akafanana nomunhu anoti imbwa iri kupfuurawo napanzeve kachi. Zvakaita benzi rinokanda zvitsiga zvomoto nemiseve norufu ndozvakaita munhu anonyengedza mumwe wake ozoti, “A, kuseka zvangu.” Pasina huni moto unodzima, pasinawo munhu wamakuhwa zvokupopotedzana zvinopera. Zvakangoita marasha kumazimbe omoto uye huni kumoto ndizvo zvakaita munhu wenharo kumutsa muchokoto. Mazwi emunhu anotaura makuhwa anenge misuva inonaka, inonyatsoti dyoo mukatikati momuviri. Sakaya kanopenyerera kakakwenenzverwa kuputira ndiro ndozvine miromo inotaura zvinyoronyoro asi nemwoyo wakaipa. Munhu anovenga anonyengedza nemiromo yake, iye akavanza unyengedzi mumwoyo make. Kana achitaura zvakanakisisa rega kuzvigamuchira ane zvinhu zvinomwe mumwoyo make zvinosemesa. Kuvenga kwake kungavanzwe zvako nounyengedzi asi uipi hwake hunoburitswa pachena pagungano. Anochera gomba, achawira mariri, dombo rinotsitsirira anotanga kurigudumutsa. Munhu worurimi runonyepa anovenga vaanonyepera, munhu womuzvambarara imharadzi.
Zvirevo 26:17-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Somunhu unoɓata imbga nenzeʋe dzayo, iciŋgopfuʋura hayo, Ndiɀo ɀakaita munhu unoɀipinza pagakaʋa raasinemhoȿa naro. Somupeŋgo unokanda ɀitsika, Nemiseʋe, neɀinoʋuraya, Ndiɀo ɀinoita munhu unonyeŋgedzera wokwake, Aciti: Ndinoŋgoita ɀaŋgu jeye! Mŋoto unodzima nokushaiwa huni; Ʋuye kana kusinomuceri, gakaʋa rinopera. Seɀakaita mazimbe paɀitsika ɀinopfuta, nehuni pamŋoto, Ndiɀo ɀakaita munhu wegakaʋa pakupfutidza rukaʋe. Mashoko omuceri akaita seɀimeɗu ɀinozipa, Ɀinoɓurukira mukati‐kati momuʋiri. Miromo inopisa noruɗo pamŋe cete nomŋoyo wakaipa, Ɀakafanana nomudziyo wevu wakanamirwa namarara anobva pasirveri. Muʋeŋgi unonyeŋgedzera nemiromo yake, Asi unoʋanza kunyeŋgedzera mumŋoyo make. Kana acitaura ɀinonaka, usamutenda; Nokuti mumŋoyo make muneɀinonyaŋgadza ɀinomŋe. Kunyaŋge kuʋeŋga kwake kuciɀiʋanza nokunyeŋgedzera, Kushata kwake kucaɓuɗiswa pacena pamberi peʋuŋgano. Aninani unocera gomba, ucawira’mo iye; Unokuŋgurusa ibge, ricadzokera pamsoro pake. Rurimi rwenhema runoʋeŋga wakuʋadzwa narwo; Nomuromo unoɓata kumeso unoparadza.
Zvirevo 26:17-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)