Zvirevo 25:11-13
Zvirevo 25:11-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shoko rataurwa nenguva yakafanira rakafanana namaapuro egoridhe mumidziyo yesirivha. Semhete yomunzeve yegoridhe kana chishongo chegoridhe rakaisvonaka, ndizvo zvakaita kutsiura kwomunhu akachenjera, kunzeve inoteerera. Nhume yakatendeka kune anoituma yakafanana nokutonhorera kwechando panguva yokukohwa; inonyevenutsa mweya yavanatenzi vake.
Zvirevo 25:11-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Shoko rinotaurwa nenguva yakafanira, Rakafanana namatamba endarama mumidziyo yesirivha. Murairi akachenjera panzeve inoteerera, Zvakafanana nechindori chenzeve chendarama noukomba hwendarama yakaisvonaka. Nhume yakatendeka kuna vanoituma yakafanana nokutonhorera kwechando panguva yokucheka; nokuti anoponesa mweya yavatenzi vayo.
Zvirevo 25:11-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Shoko rinotaurwa panguva yaro rakaita somufananidzo wemaapuru endarama wakakwenenzverwa mundiro yesirivha. Kumunhu ane nzeve dzokunzwa munhu anomutsiura akaita semhete yendarama kana chishongo chendarama. Kune vanotuma nhumwa yakatendeka yakaita sokutonhora kwamazaya echando panguva yokukohwa anonyevenutsa mwoyo yavatenzi vake.
Zvirevo 25:11-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Shoko rinotaurwa neŋguʋa yakafanira, Rakafanana namatamba endarama mumidziyo yesirveri. Murairi wakacenjera panzeʋe inoterera, Ɀakafanana necindori cenzeʋe cendarama noʋukomba bgendarama yakaiȿo‐naka. Nhume yakatendeka yakafanana kunaʋanoituma Nokutonhorera kwecando paŋguʋa yokuceka; Nokuti inoponesa mŋeya yaʋatenzi ʋayo.
Zvirevo 25:11-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)