Zvirevo 2:6-15
Zvirevo 2:6-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti Jehovha anopa uchenjeri, uye mumuromo make munobuda zivo nokunzwisisa. Anochengetera vakarurama kukunda, iye ndiye nhoo kuna avo vane mufambiro usina chaunopomerwa, nokuti anochengetedza nzira yavakarurama, uye anodzivirira nzira yavakatendeka vake. Ipapo uchanzwisisa zvakarurama, kururamisira nokuenzanisira nzira dzose dzakanaka. Nokuti uchenjeri huchapinda mumwoyo mako, uye ruzivo ruchafadza mweya wako. Kungwara kuchakuchengetedza, uye kunzwisisa kuchakurinda. Uchenjeri huchakuponesa panzira dzavanhu vakaipa, vanhu vane mashoko asakarurama, vanosiya nzira yakarurama kuti vafambe munzira dzerima, vanofarira kuita zvakaipa uye vanofarira kusarurama kwezvakaipa, vane nzira dzakaminama uye vanonyengera pamaitiro avo.
Zvirevo 2:6-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti Jehovha ndiye anopa uchenjeri; Mumuromo make munobuda zivo nenjere, Unovigira vakarurama uchenjeri chaihwo; Ndiye nhoo yavanofamba muzvokwadi; Nokuti anorinda makwara okururamisa, Nokuchengeta nzira yavatsvene vake. Ipapo uchanzwisisa kururama nokururamisa, Nokutendeka, idzo nzira dzose dzakanaka. Nokuti uchenjeri huchapinda mumwoyo mako, Zivo ichafadza mweya wako; Kungwara kuchakurindira, Njere dzichakuchengeta; Zvikurwire panzira yezvakaipa, Napavanhu vanotaura zvisakarurama; Vanorasha makwara okururama, Kuti vafambe nenzira dzerima; Vanofarira kuita zvakaipa, Vanofadzwa nokunyengera kwezvakaipa. Vane nzira dzakaminama, Vanotsauka pamakwara avo
Zvirevo 2:6-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
nokuti Tenzi ndiye anopa ungwaru mukanwa make ndimo munobva ruzivo nokunzwisisa anochengetera vakarurama ungwaru chaihwo ndiye nhowo yokudzivirira vanofamba zvakarurama. Anochengetedza maitiro okutonga kwakarurama achichengetedza nzira yavarurami vake. Ndopaunozonzwisisa kuti ururami noruenzaniso nokuva pachokwadi chii uyewo maitiro ose akarurama nokuti uchapindura mwoyo noungwaru uye ruzivo ruchave shamwari yako. Kuziva kusarudza kuchakuchengetedza, kuziva chokusarudza kuchakutarira. Kuchakununura kunzira yakaipa kuvanhu vanotaura zvakaora, vanhu vanosiya nzira tsvene vachifamba munzira dzerima; vanofarira kuita zvakaipa vanonakirwa nokushata kwouipi; vanhu vane nzira dzakakombama vanokuita kwakamonyoroka.
Zvirevo 2:6-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti Jehova ndiye unopa ʋucenjeri; Mumuromo make munoɓuɗa ziʋo nenjere, Unoʋigira ʋakarurama ʋucenjeri caibgo; Ndiye nhoʋo yaʋanofamba muɀokwaɗi; Nokuti unorinda makwara okururamisa, Nokuceŋgeta nzira yaʋatȿene ʋake. Ipapo ucanzwisisa kururama nokururamisa, Nokutendeka, idzo nzira dzose dzakanaka. Nokuti ʋucenjeri ʋucapinda mumŋoyo mako, Ziʋo icafadza mŋeya wako; Kuŋgwara kucakurindira, Njere dzicakuceŋgeta; Ɀikurwire panzira yeɀakaipa, Napaʋanhu ʋanotaura ɀisakarurama; Ʋanorasha makwara okururama, Kuti ʋafambe nenzira dzerima; Ʋanofarira kuita ɀakaipa, Ʋanofadzwa nokunyeŋgera kweɀakaipa. Ʋanenzira dzakaminama, Ʋanotsauka pamakwara aʋo
Zvirevo 2:6-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)