Zvirevo 2:2-6
Zvirevo 2:2-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
ukarerekera nzeve yako kuuchenjeri uye ukaisa mwoyo wako pakunzwisisa, uye kana ukadanidzira kuti uwanze njere uye ukadanidzira nenzwi guru kuti uwane kunzwisisa, uye kana ukahutsvaka sounotsvaka sirivha nokuhutsvaka sounotsvaka pfuma yakavanzwa, ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha uye uchawana ruzivo rwaMwari. Nokuti Jehovha anopa uchenjeri, uye mumuromo make munobuda zivo nokunzwisisa.
Zvirevo 2:2-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kuti urerekere nzeve yako iteerere uchenjeri, Nokurwadza mwoyo wako, kuti unzwisise; Kana ukachemera kunzwisisa, Ukadanidzira nezwi rako kuti uwane njere; Zvirokwazvo kana ukahutsvaka sesirivha, Ukahutsvakisisa sepfuma yakavanzwa; Ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha, Nokuwana zivo yaMwari. Nokuti Jehovha ndiye anopa uchenjeri; Mumuromo make munobuda zivo nenjere
Zvirevo 2:2-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
uchirerekera nzeve yako kuungwaru, uchitorwa mwoyo nenzwisiso nokungewo uchichemera kuzivisisa uchidaidza kunzwisisa ukatsvaka ungwaru sesirivha uchihutsvaka upfumi hwakavandika. Kutya Tenzi unobva wakunzwisisa uchibva wawana kuziva Mwari, nokuti Tenzi ndiye anopa ungwaru mukanwa make ndimo munobva ruzivo nokunzwisisa
Zvirevo 2:2-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kuti urerekere nzeʋe yako iterere ʋucenjeri, Nokurwadza mŋoyo wako, kuti unzwisise; Kana ukacemera kunzwisisa, Ukaɗanidzira nenzwi rako kuti uwane njere; Ɀirokwaɀo kana ukaʋutȿaka sesirveri, Ukaʋutȿakisisa sefuma yakaʋanzwa; Ipapo ucanzwisisa kutya Jehova, Nokuwana ziʋo yaMŋari. Nokuti Jehova ndiye unopa ʋucenjeri; Mumuromo make munoɓuɗa ziʋo nenjere
Zvirevo 2:2-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)