Zvirevo 2:16-22
Zvirevo 2:16-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvichakuponesazve pamukadzi chifeve, kubva pamudzimai asingazvibati, anokwezva namashoko ake, uyo akasiya murume woumhandara hwake uye akashaya hanya nesungano yaakaita pamberi paMwari. Nokuti imba yake inoenda kurufu, uye nzira dzake kumweya yavakafa. Hakuna anoenda kwaari achidzoka kana kuzowana nzira dzoupenyu. Naizvozvo iwe uchafamba munzira dzavanhu vakanaka uye ucharamba uri munzira dzavakarurama. Nokuti vakarurama vachagara munyika, uye vasina chavanopomerwa vacharamba vari mairi; asi vakaipa vachaparadzwa panyika, uye vasina kutendeka vachabviswa pairi.
Zvirevo 2:16-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kuti zvikurwire kumukadzi wokumwe, Kumukadzi mutorwa, anobata kumeso namashoko ake. Iye, anorasha shamwari yohumhandara hwake, Achikanganwa sungano yaMwari wake. Nokuti imba yake inonyura kurufu, Nenzira dzake kuvakafa; Hakuna anopinda kwaari anozodzokazve; Havasviki panzira dzoupenyu; Kuti ufambe nenzira yavakanaka, Uchengete makwara avakarurama. Nokuti vakarurama vachagara panyika, Vakakwana vachafambirapo. Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; Vanoita nokunyengedzera vachadzurwapo.
Zvirevo 2:16-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvinokununura kumukadzi asiwako kumukadzi asingazivikanwi twaanotaura norurimi rwake twunotapira mukadzi anosiya shamwari yake yepaudiki achikanganwa chitsidzirano chaMwari wake. Anonyudza pasi kurufu imba yake nzira dzake dzinodzika kuvafi. Wose anoenda kwaari haadzoki haazowanazve nzira youpenyu. Saka famba nenzira yavanhu vakanaka uchengetedze nzira dzavakarurama nokuti vakarurama ndivo vachagara panyika uye vanotendeseka vachararama mairi vakaipa vachabviswa panyika vanoujarijari vachatipurwapo.
Zvirevo 2:16-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kuti ɀikurwire kumukadzi wokumŋe, Kumukadzi mutorwa, unoɓata kumeso namashoko ake. Iye, unorasha shamŋari yoʋumhandara bgake, Acikaŋganwa suŋgano yaMŋari wake. Nokuti imba yake inonyura kurufu, Nenzira dzake kuʋakafa; Hakuna‐unopinda kwaari unozodzoka ɀe; Haʋaȿiki panzira dzoʋupenyu; Kuti ufambe nenzira yaʋakanaka, Uceŋgete makwara aʋakarurama. Nokuti ʋakarurama ʋacagara panyika, Ʋakakwana ʋacarambira’po. Asi ʋakaipa ʋacaparadzwa panyika; Ʋanoita nokunyeŋgedzera ʋacadzurwa’po.
Zvirevo 2:16-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)