Zvirevo 2:12-20
Zvirevo 2:12-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uchenjeri huchakuponesa panzira dzavanhu vakaipa, vanhu vane mashoko asakarurama, vanosiya nzira yakarurama kuti vafambe munzira dzerima, vanofarira kuita zvakaipa uye vanofarira kusarurama kwezvakaipa, vane nzira dzakaminama uye vanonyengera pamaitiro avo. Zvichakuponesazve pamukadzi chifeve, kubva pamudzimai asingazvibati, anokwezva namashoko ake, uyo akasiya murume woumhandara hwake uye akashaya hanya nesungano yaakaita pamberi paMwari. Nokuti imba yake inoenda kurufu, uye nzira dzake kumweya yavakafa. Hakuna anoenda kwaari achidzoka kana kuzowana nzira dzoupenyu. Naizvozvo iwe uchafamba munzira dzavanhu vakanaka uye ucharamba uri munzira dzavakarurama.
Zvirevo 2:12-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvikurwire panzira yezvakaipa, Napavanhu vanotaura zvisakarurama; Vanorasha makwara okururama, Kuti vafambe nenzira dzerima; Vanofarira kuita zvakaipa, Vanofadzwa nokunyengera kwezvakaipa. Vane nzira dzakaminama, Vanotsauka pamakwara avo; Kuti zvikurwire kumukadzi wokumwe, Kumukadzi mutorwa, anobata kumeso namashoko ake. Iye, anorasha shamwari yohumhandara hwake, Achikanganwa sungano yaMwari wake. Nokuti imba yake inonyura kurufu, Nenzira dzake kuvakafa; Hakuna anopinda kwaari anozodzokazve; Havasviki panzira dzoupenyu; Kuti ufambe nenzira yavakanaka, Uchengete makwara avakarurama.
Zvirevo 2:12-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Kuchakununura kunzira yakaipa kuvanhu vanotaura zvakaora, vanhu vanosiya nzira tsvene vachifamba munzira dzerima; vanofarira kuita zvakaipa vanonakirwa nokushata kwouipi; vanhu vane nzira dzakakombama vanokuita kwakamonyoroka. Zvinokununura kumukadzi asiwako kumukadzi asingazivikanwi twaanotaura norurimi rwake twunotapira mukadzi anosiya shamwari yake yepaudiki achikanganwa chitsidzirano chaMwari wake. Anonyudza pasi kurufu imba yake nzira dzake dzinodzika kuvafi. Wose anoenda kwaari haadzoki haazowanazve nzira youpenyu. Saka famba nenzira yavanhu vakanaka uchengetedze nzira dzavakarurama
Zvirevo 2:12-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kuchakununura kunzira yakaipa kuvanhu vanotaura zvakaora, vanhu vanosiya nzira tsvene vachifamba munzira dzerima; vanofarira kuita zvakaipa vanonakirwa nokushata kwouipi; vanhu vane nzira dzakakombama vanokuita kwakamonyoroka. Zvinokununura kumukadzi asiwako kumukadzi asingazivikanwi twaanotaura norurimi rwake twunotapira mukadzi anosiya shamwari yake yepaudiki achikanganwa chitsidzirano chaMwari wake. Anonyudza pasi kurufu imba yake nzira dzake dzinodzika kuvafi. Wose anoenda kwaari haadzoki haazowanazve nzira youpenyu. Saka famba nenzira yavanhu vakanaka uchengetedze nzira dzavakarurama
Zvirevo 2:12-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀikurwire panzira yeɀakaipa, Napaʋanhu ʋanotaura ɀisakarurama; Ʋanorasha makwara okururama, Kuti ʋafambe nenzira dzerima; Ʋanofarira kuita ɀakaipa, Ʋanofadzwa nokunyeŋgera kweɀakaipa. Ʋanenzira dzakaminama, Ʋanotsauka pamakwara aʋo; Kuti ɀikurwire kumukadzi wokumŋe, Kumukadzi mutorwa, unoɓata kumeso namashoko ake. Iye, unorasha shamŋari yoʋumhandara bgake, Acikaŋganwa suŋgano yaMŋari wake. Nokuti imba yake inonyura kurufu, Nenzira dzake kuʋakafa; Hakuna‐unopinda kwaari unozodzoka ɀe; Haʋaȿiki panzira dzoʋupenyu; Kuti ufambe nenzira yaʋakanaka, Uceŋgete makwara aʋakarurama.