Zvirevo 2:1-11
Zvirevo 2:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, ukachengeta mirayiro yangu mauri, ukarerekera nzeve yako kuuchenjeri uye ukaisa mwoyo wako pakunzwisisa, uye kana ukadanidzira kuti uwanze njere uye ukadanidzira nenzwi guru kuti uwane kunzwisisa, uye kana ukahutsvaka sounotsvaka sirivha nokuhutsvaka sounotsvaka pfuma yakavanzwa, ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha uye uchawana ruzivo rwaMwari. Nokuti Jehovha anopa uchenjeri, uye mumuromo make munobuda zivo nokunzwisisa. Anochengetera vakarurama kukunda, iye ndiye nhoo kuna avo vane mufambiro usina chaunopomerwa, nokuti anochengetedza nzira yavakarurama, uye anodzivirira nzira yavakatendeka vake. Ipapo uchanzwisisa zvakarurama, kururamisira nokuenzanisira nzira dzose dzakanaka. Nokuti uchenjeri huchapinda mumwoyo mako, uye ruzivo ruchafadza mweya wako. Kungwara kuchakuchengetedza, uye kunzwisisa kuchakurinda.
Zvirevo 2:1-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, Nokuchengeta mirairo yangu kwauri; Kuti urerekere nzeve yako iteerere uchenjeri, Nokurwadza mwoyo wako, kuti unzwisise; Kana ukachemera kunzwisisa, Ukadanidzira nezwi rako kuti uwane njere; Zvirokwazvo kana ukahutsvaka sesirivha, Ukahutsvakisisa sepfuma yakavanzwa; Ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha, Nokuwana zivo yaMwari. Nokuti Jehovha ndiye anopa uchenjeri; Mumuromo make munobuda zivo nenjere, Unovigira vakarurama uchenjeri chaihwo; Ndiye nhoo yavanofamba muzvokwadi; Nokuti anorinda makwara okururamisa, Nokuchengeta nzira yavatsvene vake. Ipapo uchanzwisisa kururama nokururamisa, Nokutendeka, idzo nzira dzose dzakanaka. Nokuti uchenjeri huchapinda mumwoyo mako, Zivo ichafadza mweya wako; Kungwara kuchakurindira, Njere dzichakuchengeta
Zvirevo 2:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwanangu, ukagamuchira mashoko angu uye ukapfimbika mauri mitemo yangu, uchirerekera nzeve yako kuungwaru, uchitorwa mwoyo nenzwisiso nokungewo uchichemera kuzivisisa uchidaidza kunzwisisa ukatsvaka ungwaru sesirivha uchihutsvaka upfumi hwakavandika. Kutya Tenzi unobva wakunzwisisa uchibva wawana kuziva Mwari, nokuti Tenzi ndiye anopa ungwaru mukanwa make ndimo munobva ruzivo nokunzwisisa anochengetera vakarurama ungwaru chaihwo ndiye nhowo yokudzivirira vanofamba zvakarurama. Anochengetedza maitiro okutonga kwakarurama achichengetedza nzira yavarurami vake. Ndopaunozonzwisisa kuti ururami noruenzaniso nokuva pachokwadi chii uyewo maitiro ose akarurama nokuti uchapindura mwoyo noungwaru uye ruzivo ruchave shamwari yako. Kuziva kusarudza kuchakuchengetedza, kuziva chokusarudza kuchakutarira.
Zvirevo 2:1-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋanakomana waŋgu, kana ukagamucira mashoko aŋgu, Nokuceŋgeta mirairo yaŋgu kwauri; Kuti urerekere nzeʋe yako iterere ʋucenjeri, Nokurwadza mŋoyo wako, kuti unzwisise; Kana ukacemera kunzwisisa, Ukaɗanidzira nenzwi rako kuti uwane njere; Ɀirokwaɀo kana ukaʋutȿaka sesirveri, Ukaʋutȿakisisa sefuma yakaʋanzwa; Ipapo ucanzwisisa kutya Jehova, Nokuwana ziʋo yaMŋari. Nokuti Jehova ndiye unopa ʋucenjeri; Mumuromo make munoɓuɗa ziʋo nenjere, Unoʋigira ʋakarurama ʋucenjeri caibgo; Ndiye nhoʋo yaʋanofamba muɀokwaɗi; Nokuti unorinda makwara okururamisa, Nokuceŋgeta nzira yaʋatȿene ʋake. Ipapo ucanzwisisa kururama nokururamisa, Nokutendeka, idzo nzira dzose dzakanaka. Nokuti ʋucenjeri ʋucapinda mumŋoyo mako, Ziʋo icafadza mŋeya wako; Kuŋgwara kucakurindira, Njere dzicakuceŋgeta
Zvirevo 2:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)