Zvirevo 16:18-20
Zvirevo 16:18-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa, mweya wamanyawi unotangira kuwa. Zviri nani kuva nomweya unozvininipisa pakati pavakadzvinyirirwa pane kugoverana zvakapambwa navanozvikudza. Ani naani anoteerera kurayirwa achabudirira, uye akaropafadzwa uyo anovimba naJehovha.
Zvirevo 16:18-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa; Uye mweya wamanyawi unotangira kuwa. Zviri nani kuva nomweya unozvininipisa pakati pavarombo, Pakugovana zvakapambwa navanozvikudza. Anoteerera Shoko, achawana zvakanaka; Anovimba naJehovha, ano mufaro.
Zvirevo 16:18-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kuzvikudza kunoteverwa nokuparadzwa uye kuviruka nehasha kunoteverwa nokukoromoka. Zviri nani kuva nomwoyo wokuzvirereka pamwechete navarombo pano kugoverana zvokupamba pamwechete navanozvikudza. Munhu anoteerera shoko anobudirira akakomborerwa anovimba naTenzi.
Zvirevo 16:18-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kuɀikudza kunotaŋgira kuparadzwa; Ʋuye mŋeya wamanyawi unotaŋgira kuwa. Ɀirinani kuʋa nomŋeya unoɀininipisa pakati paʋarombo, Pakugoʋana ɀakapambga naʋanoɀikudza. Unoterera Shoko, ucawana ɀakanaka; Unoʋimba naJehova, unomufaro.
Zvirevo 16:18-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)