Zvirevo 15:31-33
Zvirevo 15:31-33 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nzeve, inoteerera kuraira, kunoisa kuupenyu, Ichagara pakati pavakachenjera. Anoramba kurairwa, anoshora mweya wake; Asi anoteerera kurairwa, anowana njere. Kutya Jehovha kunodzidzisa uchenjeri; Uye kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.
Zvirevo 15:31-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uyo anoteerera kutsiura kunopa upenyu achagara pakati pavakachenjera. Uyo asina hanya nokurangwa anozvizvidza iye pachake, asi ani naani anogamuchira kurayira achawana kunzwisisa. Kutya Jehovha kunodzidzisa munhu uchenjeri, uye kuzvininipisa kunotanga, kukudzwa kwozotevera.
Zvirevo 15:31-33 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nzeve, inoteerera kuraira, kunoisa kuupenyu, Ichagara pakati pavakachenjera. Anoramba kurairwa, anoshora mweya wake; Asi anoteerera kurairwa, anowana njere. Kutya Jehovha kunodzidzisa uchenjeri; Uye kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.
Zvirevo 15:31-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Munhu anoteera zvaanotsiurwa anogara pakati pavangwaru. Munhu asingadi kudzorwa anozvishora iye pachake asi munhu anotsiurika anowana kunzwisisa. Kutya Tenzi chidzidzo choungwaru kuti munhu ukudzwe tanga wazvirereka.
Zvirevo 15:31-33 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nzeʋe, inoterera kuraira, kunoisa kuʋupenyu, Icagara pakati paʋakacenjera. Unoramba kurairirwa, unoshoʋora mŋeya wake; Asi unoterera kurairwa, unowana njere. Kutya Jehova kunodzidzisa ʋucenjeri; Ʋuye kuɀininipisa kunotaŋgira kukudzwa.
Zvirevo 15:31-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)