Zvirevo 14:29-33
Zvirevo 14:29-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Munhu ane mwoyo murefu anonzwisisa, asi munhu anokurumidza kutsamwa anoratidza upenzi. Mwoyo wakagadzikana unopa upenyu kumuviri, asi ruchiva runoodza mapfupa. Uyo anomanikidza varombo anoratidza kuti anozvidza Musiki wavo, asi ani naani ane hanya nevanoshayiwa anokudza Mwari. Kana njodzi yauya, akaipa anowisirwa pasi, asi kunyange murufu akarurama ane utiziro. Uchenjeri hunogara mumwoyo yavanohunzvera uye kunyange pakati pamapenzi hunozvizivisa.
Zvirevo 14:29-33 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ano mwoyo murefu ane njere kwazvo; Asi anokurumidza kutsamwa anowedzera upenzi. Mwoyo wakagadzikana ndihwo upenyu hwomuviri; Asi godo rinoodza mapfupa. Anomanikidza murombo, anozvidza Muiti wake; Asi ane tsitsi nomushaiwi, anomukudza. Akaipa anowiswa pasi mukutadza kwake; Asi akarurama ane tariro pakufa kwake. Uchenjeri hunogara pamwoyo weane njere; Asi zviri mukati mamapenzi zvinozikanwa.
Zvirevo 14:29-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Munhu asingakurumidzi kushatirwa munhu anonzwisisa, asi anokurumidza kushatirwa, anoita kuti upenzi huwande. Pfungwa dzikagadzikana, muviri unoita utano shungu dzomwoyo dzinoodza mapfupa. Anodzvinyirira murombo zvisina kunaka anoshora musiki wake, asi anoita tsiye nyoro kwaari anoremekedza musiki wake. Munhu wakaipa anoputsirwa pasi nouipi hwake, asi akarurama chitarisiro chake chiri mukuva pachokwadi. Ungwaru hunogara mupfungwa dzomunhu anonzwisisa, asi mumwoyo mebenzi hauzivikanwi.
Zvirevo 14:29-33 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Unomŋoyo murefu unenjere kwaɀo; Asi unokurumidza kutsamŋa unowedzera ʋupenzi. Mŋoyo wakagadzikana ndibgo ʋupenyu bgomuʋiri; Asi goɗo rinoʋodza mafupa. Unomanikidza murombo, unoɀidza Muiti wake; Asi unetsitsi nomushaiwi, unomukudza. Wakaipa unowiswa pasi mukutadza kwake; Asi wakarurama unetariro pakufa kwake. Ʋucenjeri ʋunogara pamŋoyo wounenjere; Asi ɀiri mukati mamapenzi ɀinozikanwa.
Zvirevo 14:29-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)