Zvirevo 13:1-12
Zvirevo 13:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mwanakomana akachenjera anoteerera kurayira kwababa vake, asi mudadi haateereri kana achitsiurwa. Kubva pazvibereko zvomuromo wake munhu achadya zvinhu zvakanaka, asi vasina kutendeka vanofarira kumanikidza. Uyo anobata muromo wake anochengeta upenyu hwake, asi uyo anokurumidzira kutaura achaparadzwa. Simbe inopanga asi igoshayiwa chinhu, asi zvishuvo zvavanoshingaira zvichazadziswa. Vakarurama vanovenga nhema, asi vakaipa vanouyisa kunyadziswa nokunyangadza. Kururama kunorinda munhu ane unhu hwakanaka, asi kuipa kunowisira mutadzi pasi. Mumwe munhu anozviti mupfumi, asi asina chinhu; mumwewo anozviti murombo, asi aine upfumi huzhinji. Upfumi hwomunhu hunogona kudzikinura upenyu hwake, asi murombo haana chinomutyisidzira. Chiedza cheakarurama chinopenya kwazvo; asi mwenje woakaipa uchadzimwa. Kuzvikudza kunongouyisa kukakavara chete, asi uchenjeri hunowanikwa mune avo vanogamuchira kurayirwa. Mari yakawanikwa zvisakarurama ichakurumidza kupera, asi uyo anounganidza mari zvishoma nezvishoma achaita kuti iwande. Tariro kana ichinonoka inoodza mwoyo, asi chishuvo chazadziswa muti woupenyu.
Zvirevo 13:1-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mwanakomana akachenjera anoteerera kuraira kwababa vake; Asi mudadiri haanzwi kana achitukwa. Munhu achadya zvakanaka zvinobva pazvibereko zvomuromo wake; Asi vanoita nokunyengedzera vanofarira kumanikidza. Anorindira muromo wake, anochengeta hupenyu hwake; Asi anoshamisa miromo yake, achaparadzwa. Mweya wesimbe unopanga, asi unoshaiwa; Asi mweya yavasina usimbe ichakodzwa. Akarurama anovenga nhema; Asi akaipa, anonyangadza, achanyadziswa. Kururama kunochengeta akarurama pakufamba kwake; Asi kuipa kunowisira mutadzi pasi. Mumwe ariko anozviti ndiri mupfumi, kunyange asina chinhu; Mumwe ariko unozviti ndiri murombo, asi ane pfuma zhinji. Rudzikinuro rwoupenyu hwomunhu ipfuma yake; Asi murombo haanzwi kutyisidzira. Chiedza chavakarurama chinopenya kwazvo; asi mwenje wavakaipa uchadzimwa. Kuzvikudza kunongouyisa kukakavara; Asi uchenjeri huri kuna vanotenda kurairirwa. Pfuma, yakawanikwa nokukurumidza, ichatapudzwa; Asi anounganidza noruoko, zvichawedzerwa kwaari. Tariro kana ichinonoka, inoodza mwoyo; Asi kana chapangwa chosvika, ndiwo muti woupenyu.
Zvirevo 13:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwana akangwara anoteerera zvaanodzidziswa nababa vake, asi tsvuuramuromo haitsiuriki. Munhu anodya zvakanaka zvinobva mumuchero wezvaanotaura nomuromo wake asi vanyengedzi chavanoda utsinye. Munhu anobata muromo wake anochengetedza upenyu hwake asi anongoshamarara kutaura anozviparadza. Nyope yomunhu inosuwira zvinhu asi haina chainowana, vanochamirira basa vanokora. Akarurama anovenga nhema asi akaipa anoita zvinotsverutsa uye zvinonyadzisa. Ururami hunochengetedza vane nzira dzakarurama asi chitadzo chinorigira pasi mutadzi. Mumwe munhu anoita somupfumi chaanacho pasina mumwewo anoita zvake somurombo asi aine upfumi hwakawanda. Chinonunura munhu upenyu upfumi hwake, asi murombo hapana chikonzero chokumutyityidzira. Chiedza chomururami chinongoti bhaa kuchena asi mwenje womuipi uchanzi nhoo kudzimwa. Kuzvikudza, chako kumutsa nharo asi vanobvuma kupiwa mazano chavo ungwaru. Upfumi hunowanikwa nechimbichimbi hautani kupera asi anohuunganidza kashoma nakashoma anotohuwedzeredza. Chawakatarisira munhu chikanonoka zvinoodza mwoyo asi chaunoda chikaitika ndiwo muti woupenyu.
Zvirevo 13:1-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋanakomana wakacenjera unoterera kuraira kwaɓaɓa ʋake; Asi muɗaɗiri haanzwi kana acitukwa. Munhu ucadya ɀakanaka ɀinobva paɀiɓereko ɀomuromo wake; Asi ʋanoita nokunyeŋgedzera ʋanofarira kumanikidza. Unorindira muromo wake, unoceŋgeta ʋupenyu bgake; Asi unoshamisa miromo yake, ucaparadzwa. Mŋeya wesimbe unopaŋga, asi unoshaiwa; Asi mŋeya yaʋasinoʋusimbe icakodzwa. Wakarurama unoʋeŋga nhema; Asi wakaipa, unonyaŋgadza, ucanyadziswa. Kururama kunoceŋgeta wakarurama pakufamba kwake; Asi kuipa kunowisira mutadzi pasi. Mumŋe uri’ko unoɀiti ndiri mufumi, kunyaŋge asinecinhu; Mumŋe uri’ko unoɀiti ndiri murombo, asi unefuma zhinji. Rudzikinuro rwoʋupenyu bgomunhu ifuma yake; Asi murombo haanzwi kutyisidzira. Ciedza caʋakarurama cinopenya kwaɀo; Asi mŋenje waʋakaipa ucadzimŋa. Kuɀikudza kunoŋgoʋuyisa kukakaʋara; Asi ʋucenjeri ʋuri kunaʋanotenda kurairirwa. Fuma, yakawanikwa nokukurumidza, icatapudzwa; Asi unoʋuŋganidza noruʋoko, ɀicawedzerwa kwaari. Tariro kana icinonoka, inoʋodza mŋoyo; Asi kana capaŋgwa coȿika, ndiwo muti woʋupenyu.
Zvirevo 13:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)