Zvirevo 11:9-11
Zvirevo 11:9-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Munhu asina umwari anoparadza muvakidzani wake nomuromo wake, asi kubudikidza nezivo akarurama anopunyuka. Vakarurama pavanobudirira, guta rinofara; vakaipa pavanoparara, kupembera nomufaro zvinonzwikwa. Kubudikidza nokuropafadzwa kwomunhu akarurama, guta rinosimudzirwa, asi nomuromo womunhu akaipa rinoparadzwa.
Zvirevo 11:9-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Wakashata anoparadza wokwake nomuromo wake; Asi wakarurama acharwirwa nezivo. Kana vakarurama vachipfuurira mberi zvakanaka, guta rinofara kwazvo; Kana vakaipa vachiparadzwa, kunopururudzwa. Nokuropafadzwa kwavakarurama guta rinokudzwa; Asi rinoputswa nemiromo yavakaipa.
Zvirevo 11:9-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asiri munamati anogona kuparadza mumwe wake nomuromo wake asi varurami vanoponeswa noruzivo. Zvikanakira vakarurama guta rinopembera nokufara. Kana vakaipa vakaparara kunofarwa zvokupembera kwazvo. Guta rinorumbidzwa pamusana pechikomborero chavakarurama asi rinoparadzwa nomuromo wavakaipa.
Zvirevo 11:9-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Wakashata unoparadza wokwake nomuromo wake; Asi wakarurama ucarwirwa neziʋo. Kana ʋakarurama ʋacipfuʋurira mberi ɀakanaka, guta rinofara kwaɀo; Kana ʋakaipa ʋaciparadzwa, kunopururudzwa. Nokuropafadzwa kwaʋakarurama guta rinokudzwa; Asi rinoputswa nemiromo yaʋakaipa.
Zvirevo 11:9-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)